7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Tiri Nyika YeRunako Chete

Chitatu, 17 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Zvino Dhanieri akagona akakunda akuru namachinda mumayitiro yake ake ayishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro pohumambo hwose” (Dhaniyeri 6 ndima 3).

Isu tiri agari venyika yaMwari. Tinoita zvinhu nomazvo. Iyi inotova tsika yedu. Hatitamburire kuyita zvinhu nomazvo. Tinoita zvinhu zvinofadza. Mwari Baba vanoyita zvinhu zvose nomazvo. Zvino isu takazvahwa navo. Saka nesuvo tinoyita zvinhu zvose nomazvo. Iweiwe haufanire kungova nehunyanzvi chete. Unofanira kuyita zvinhu nomazvo. Ndiko kuti usiyane nevanhu venyika yino. Usizobudirira muhupenyu. Hunyanzvi chete hahugoni kukubudiririsa zvidodayi.

Dhaniyeri uyu akazoitiwa mukuru pabasa. Iye aiva zvake nehunyanzvi. Asi hunyanzvi uhu hahuzi ihwo hwega hwakayita kuti aitiwe mukuru kudayi. Iye ayiita zvinhu zvose nomazvo. Izvi ndizvo zvatanangara mundima yatavhura nayo. Yati, “Zvino Dhanieri akagona akakunda akuru namachinda mumayitiro yake ayishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro pohumambo hwese”. Iwe wava naMweya Uneyera . Mweya ava ndivo vakayita kuti Dhaniyeri ayite zvinhu nomazvo. Saka newevo waa kugona kuyita zvinhu nomazvo.

Munhu anofanira kunge aine hunhu hudonaka. Anofanira kunge asigona kutsungirira. Haafanire kunge ari munhu anongoteyedzera amwe. Anofanira kunge ayine mafungiro yadonaka. Ndiko kuti agone kuyita zvinhu zvake nomazvo. Mwari vanoda kuti uyite zvinhu zvako nemoyo wose. Havadi kuti ungoita. Ivo vakakupasa simba rekupenya. Vanoda kuti vanangahwe pawuri. Izvi ndizvo zvatinonangara mutsamba yekutanga yaPita chitsauko chechipiri ndima yepfumbamwe. Ineti, “Asi imi muri rudzi hwakasananguhwa. Madzimambo. Vapiri. Rudzi rutsvene. Vanhu vaakazviwanira. Kuti vanokunangarayi varumbidze Mwari. Ivo vakakutorayi. Vakakubvisayi murima. Vakakupinzayi muchiyedza chavo chinoshamisa”.

Tsamba yechipiri yaPita chitsauko chekutanga ndima yechitatu inoti, “Kuziva ivo vakatitora kuti tive anhu erudzi hwavo. Vakakwana. Kwakaita kuti simba ravo reAmwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikamwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari”. Mwari ndivo vadoronga kuti uve werudzi hwavo. Ndivo vakaronga kuti uyite zvinhu zvose nomazvo. Izvi ndizvo zvatiri kunangara mundima iyi. Saka ita zvinhu zvako nomazvo. Shumira Mwari nomazvo. Ita mabasa yako nomazvo. Ita zvidzidzo zvako nomazvo. Ronga kuyita zvinhu zvose nomazvo. Nyayira semunhu yanoda kuyita zvinhu nomazvo. Ratidzika semunhu anoita zvinhu nomazvo. Ita zvinhu zvako nenguva. Usirayikidza kuti unoyita zvinhu zvako nomazvo.

Shingaira pamabasa yako. Usaita zvinhu zvako seanhu vese vese. Usangoti chero zvaitiwa. Ipa zvakanakisisa. Usingatsvagi kufadza vanokunangara. Asi nokuti wakamiririra nyika yaMwari. Ndiwe kururama kwaMwari. Iko kururama kuya kuri muna Muponesi Jesu. Munhu akarurama anoyita zvinhu nomazvo. Saka pangava nebasa rawunofanira kuyita. Uyu unenge uchitova mukana wekurayikidza runako hweAmwari. Saka usaita zvinhu usisiyirira zvimwe. Zviite nemoyo wose. Zvisibuda zvinofadza. Vanhu vanofanira kugona kuvimba newe pabasa.

Namata Usiti
Baba vandinoda. Ndinokutendayi. Mweya Uneyera vari mandiri. Vakandipasa mweya wekuyita zvinhu nomazvo. Ndinoyita mabasa yangu nemoyo wose. Handiayiti ndisisiya zvimwe. Handingoteedzere zvinoyitiwa neanhu vese vese. Ini ndinomiririra nyika yenyu nomazvo. Runako hwenyu hunonangahwa pahupenyu hwangu. Runonangahwa pamabasa yandinoita. Handingoyiti zvinhu. Ndinozviita nomazvo. Nokuti mukuru wacho ndiye anogara mandiri. Akadarika uya ari munyika ino. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 22 ndima 29
aFiripi 1 ndima 9–10
aKorose 3 ndima 23–24