7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Wakagadziwa SaMambo

China, 18 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“.... Rinova ndiro simba riya. Ravakashandisa muna Muponesi. Pavakavamutsa kubva kuvadopfa. Vakavagadzika kurudyi hwavo. Kudenga. Kunova kumusoro. Kure neabati vese. Nemasimba. Neatongi. Nenyembe dzose. Nemazita ose angavapo. Hayikona yari munyika yanhasi chete. Asi mune isawuyawo” (aEfeso 1 ndima 19 kusvika 21).

Ishe Jesu vakagadziwa saMambo. Vakagadziwa mushure mekunge vamutsiwa kuvadopfa. Vakabva vapihwa masimba yanodarika yevatongi vese. Hapanayi chinhu chine masimba yanodarika yavo. Chinhu chacho chingava munyika yanhasi. Kana munyika isazowuya. Jesu ndivo vanotonga kudenga. Ndivo zvakare vanotonga panyika. Asi masimba avo aya ndiwo yatakapihwawo isusu. Tigere pabodzi navo. Tinotonga pabodzi navo.

Isusu tiri muna Jesu ava. Ndiko kusaka tiyine masimba yavo aya. Takayenda pabodzi navo kudenga. Tikanogadziwa pabodzi navo. Tigere kuruji hwaMwari pabodzi navo. Saka tavawo machinda yaMwari. aEfeso yechipiri ndima yechitanhatu ineti, “Vakatimutsa pabodzi naMuponesi. Vakatigarisa kudenga pabodzi navo. Tiri mukati mavo”.

Ndiko kusaka taa kuzikamwa nezita raJesu. Zita iri ndiro rataa kuseyenzesa pakurarama kwedu. Tinoriseyenzesa kudayi tisiri panyika pano. Ivo Jesu vari kudenga. Ndivo vakatimiririra ikoko. Isu takamiririra Jesu pano panyika. Tisu tinoyita kuti zvinodiwa naMwari Baba zviyitike panyika pano. Mako yegumi netanhatu ndima yegumi nenomwe kusvika gumi nesere inoti, “Zvinhu zvinoteyera ndizvo zvisanangahwa pane vovaya anenge andigamuchira. Vasatandayidza mweya yidonyangara. Vasayitandayidza nezita rangu. Vasanyayira nendimi itsva. Asabata nyoka. Vangamwa zvinhu zvinowuraya. Asi hazvingavakuvadze. Vasaporesa ahwere. Vanovaporesa nokungovabata nemanja yavo”.

Matiyo yegumi ndima yesere inotiwo, “Poresayi vanohwara. Mutsayi vadopfa. Natsayi vane maperembudzi. Tandayidzayi mweya yakaipa”. Iweiwe waa muna Muponesi. Kureya kuti une masimba awava nawo. Seyenzesa masimba aya. Mashandise kurapa zvihwere. Mashandise kukurira rupfu. Maseyenzese kukurira zvinhu zvenyika yino. Rarama semunhu yane masimba yeVamwari. Wava muna Muponesi. Vanhu vari muna Muponesi ndivo vane masimba yose.

Zvinhu zvenyika ino zvingatsvaga kukukanganisa. Zvingatsvaga kuti ufunge kuti Shoko raMwari hariseyenze Asi iweiwe hayikona kugamuchira izvozvo. Mira saJesu. Utonge zvinhu zvose izvi. Hupenyu hweAMwari ndehwekutonga. Asi tinoseyenzesa mashoko yedu kutonga. Iweiwe unofanira kunzvisisa izvi. Manamatiro yako anozosanduka. Unozonyayira zvawunoda. Usironga zvinhu nomazvo.

Satani angaita zvake mashiripiti yake. Iweiwe hayikona kuvhunduka. Zvaunoda iweiwe ndizvo zvinofanira kuyitika. Ugere pachigaro chaMuponesi. Simba ravo ndiro rawava kuseyenzesa pakurarama kwako. Saka nyayira seMumwari. Harureuya!

Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Makandimutsa pabodzi naMuponesi. Mukandipasa masimba yaMuponesi. Saka ndaa nemasimba yeAmwari. Ndaa kurarama seMumwari. Ndisitonga rima. Ndisitonga zvinhu zvenyika yino. Ndisikurira zvose zvinondihwisa. Ndinorayira kuti munyika muve nerugare. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
aEfeso 2 ndima 6
aRoma 5 ndima 17
aKorose 3 ndima 1–2

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)