7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Wakagadzwa SaMambo

China, 18 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“.... Rinowa ndiro simba riya. Raakashandisa muna Muponesi. Paakaamutsa kubva kuakafa. Akaagadzika kurudyi rwawo. Kudenga. Kunowa kumusoro. Kure neabati ese. Nemasimba. Neatongi. Nenyembe dzese. Nemazita ese angavapo. Kwete ari munyika yanamasi basi. Asi mune ichauyawo” (Vaefeso 1 v 19 kusvika 21).

Ishe Jesu akagadzwa saMambo. akagadzwa musure mekunge amutswa kuakafa. Akabva apuwa masimba anodarike eatongi ese. Hapanaba chiro chine masimba anodarike awo. Chiro chacho chingaa munyika yanamasi. Kana munyika ichazouya. Jesu ndiwo anotonga kudenga. Ndiwozve anotonga panyika. Asi masimba awo aya ndiwo atakapuwawo isu. Takagare pamwepo nawo. Tinotonga pamwepo nawo.

Isu tiri muna Jesu ava. Ndiko kusaka tiine masimba awo aya. Takaenda pamwe nawo kudenga. Tikanogadzwa pamwepo nawo. Takagare kurundyi rwaMwari pamwe nawo. Saka tawawo machinda aMwari. Vaefeso 2 v 5 inoti, “akatimutsa pamwepo naMuponesi. Akatigarisa kudenga. Pamwepo nawo. Tiri mukati mawo”.

Ndiko kusaka taa kuzikanwa ngezita raJesu. Zita iri ndiro rataa kushandisa pakurarama kwedu. Tinorishandisa kudai tichiri panyika pano. Iwo Jesu ari kudenga. Ndiwo akatimiririra ikoko. Isu takamiririra Jesu pano panyika. Tisu tinoita kuti zvinodiwa naMwari Baba zviitike panyika pano. Mariko 16 v 17 kusvika 18 inoti, “Zviro zvinoteera ndizvo zvichaonekwa pane aya. Anenge andigamuchira. Achadzinge mweya yakashata. Achaidzinga ngezita rangu. Achataura ngendimi imyowani. Achabata nyoka. Angamwa poizeni. Asi haingaakuwadziba. Achaporese arwere. Anoaporesa nekungoabata nemaoko awo”.

Matiyo 10 v 8 inotiwo, “Poresai anorwara. Mutsai akafa. Natsai ane maperembudzi. Dzingai mweya yakashata”. Iwe wawa muna Muponesi. Kurewa kuti une masimba awawa nawo. Shandisa masimba aya. Mashandise kurapa zvirwere. Mashandise kukurira rufu. Mashandise kukurire zviro zvenyika ino. Rarama semunhu ane masimba eVamwari. Wawa muna Muponesi. Anhu ari muna Muponesi ndiwo ane masimba ese.

Zviro zvenyika ino zvingatsvaka kukukanganisa. Zvingatsvaka kuti ufunge kuti Soko raMwari harishandi. Asi iwe usagamuchira izvozvo. Mira saJesu. Utonge zviro zvese izvi. Hupenyu hweVamwari ndehwekutonga. Asi tinoshandisa masoko edu kutonga. Iwe unofanira kuzwisisa izvi. Manamatiro ako anozoshanduka. Unozotaura zvaunoda. Uchironga zviro ngemazvo.

Satani angaite hake mashiripiti ake. Iwe usaavhundukaba. Zvaunoda iwe ndizvo zvinofanira kuitika. Wakagare pachigaro chaMuponesi. Simba rawo ndiro rawawa kushandisa pakurarama kwako. Saka taura seMumwari. Harureuya!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandimutsa pamwepo naMuponesi. Mukandipa masimba aMuponesi. Saka ndaa nemasimba eVamwari. Ndaa kurarama seMumwari. Ndichitonga rima. Ndichitonga zviro zvenyika ino. Ndichikurire zvese zvinondirwisa. Ndinoraira kuti munyika muve nerugare. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaEfeso 2:6; VaRoma 5:17; VaKorose 3:1-2


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)