7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Wakagadzwa SaMambo
China, 18 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“.... Rinova ndiro simba riya. Ravakashandisa muna Muponesi. Pavakavamutsa kubva kuvakafa. Vakavagadzika kurudyi rwavo. Kudenga. Kunova kumusoro. Kure nevabati vose. Nemasimba. Nevatongi. Nenyembe dzose. Nemazita ose angavapo. Kwete ari munyika yanhasi chete. Asi mune ichauyavo” (Vaefeso 1 ndima 19 kusvika 21).
Ishe Jesu vakagadzwa saMambo. Vakagadzwa mushure mekunge vamutswa kuvakafa. Vakabva vapiwa masimba anodarika evatongi vose. Hapana chinhu chine masimba anodarika avo. Chinhu chacho chingava munyika yanhasi. Kana munyika ichazouya. Jesu ndivo vanotonga kudenga. Ndivozve vanotonga panyika. Asi masimba avo aya ndiwo atakapiwavo isu. Tigere pamwe chete navo. Tinotonga pamwe chete navo.
Isu tiri muna Jesu ava. Ndiko kusaka tiine masimba avo aya. Takaenda pamwe navo kudenga. Tikanogadzwa pamwe chete navo. Tigere kurudyi rwaMwari pamwe navo. Saka tavavo machinda aMwari. Vaefeso yepiri ndima yetanhatu inoti, “Vakatimutsa pamwe chete naMuponesi. Vakatigarisa kudenga. Pamwe chete navo. Tiri mukati mavo”.
Ndiko kusaka tava kuzikanwa nezita raJesu. Zita iri ndiro ratava kushandisa pakurarama kwedu. Tinorishandisa kudai tichiri panyika pano. Ivo Jesu vari kudenga. Ndivo vakatimiririra ikoko. Isu takamiririra Jesu pano panyika. Tisu tinoita kuti zvinodiwa naMwari Baba zviitike panyika pano. Mariko yegumi netanhatu ndima yegumi nenomwe kusvika gumi nesere inoti, “Zvinhu zvinotevera ndizvo zvichavonekwa pane vaya. Vanenge vandigamuchira. Vachadzinga mweya yakaipa. Vachaidzinga nezita rangu. Vachataura nendimi itsva. Vachabata nyoka. Vanganwa zvinhu zvinouraya. Asi hazvingavakuvadzi. Vachaporesa varwere. Vanovaporesa nokungovabata nemavoko avo”.
Matiyo yegumi ndima yesere inotivo, “Poresai vanorwara. Mutsai vakafa. Natsai vane maperembudzi. Dzingai mweya yakaipa”. Iwe wava muna Muponesi. Kureva kuti une masimba awava nawo. Shandisa masimba aya. Mashandise kurapa zvirwere. Mashandise kukurira rufu. Mashandise kukurira zvinhu zvenyika ino. Rarama semunhu ane masimba eVamwari. Wava muna Muponesi. Vanhu vari muna Muponesi ndivo vane masimba ose.
Zvinhu zvenyika ino zvingatsvaka kukukanganisa. Zvingatsvaka kuti ufunge kuti Shoko raMwari harishandi. Asi iwe usagamuchira izvozvo. Mira saJesu. Utonge zvinhu zvose izvi. Hupenyu hweVamwari ndehwekutonga. Asi tinoshandisa mashoko edu kutonga. Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Manamatiro ako anozoshanduka. Unozotaura zvaunoda. Uchironga zvinhu nomazvo.
Satani angaita hake mashiripiti ake. Iwe usaavhunduka. Zvaunoda iwe ndizvo zvinofanira kuitika. Ugere pachigaro chaMuponesi. Simba ravo ndiro rawava kushandisa pakurarama kwako. Saka taura seMumwari. Harureuya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandimutsa pamwe chete naMuponesi. Mukandipa masimba aMuponesi. Saka ndava nemasimba eVamwari. Ndava kurarama seMumwari. Ndichitonga rima. Ndichitonga zvinhu zvenyika ino. Ndichikurira zvose zvinondirwisa. Ndinoraira kuti munyika muve nerugare. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaEfeso 2:6; VaRoma 5:17; VaKorose 3:1-2
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)