7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Ndisu Takabatisiwa Pfuma YeDenga

Chishanu, 19 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Saka mungapihwa pfuma yenyika yino. Motadza kutendeka nayo. Hapanayi angazokupayi pfuma yechokwadi " (Ruka 16 ndima 11).

Iweiwe unofanira kutendeka nepfuma yenyika yino. Pasinayi izvozvo hauzopihwi pfuma yekudenga. Izvi ndizvo zvakanyayihwa naTenzi. Tinozvinangara mundima yatavhura nayo. Saka ngwarira mabatiro yawunoyita mari. Mwari vakakunangara . Vanenge vari kutoda kunangara hunhu hwako. Vasitsvaga kunangara mabasa yepamweya yavangakupasa.

Isu taa muna Muponesi. Ndisu tinobatisiwa pfuma yaMwari. Pfuma iyi inofanira kushandisiwa munyika yaMwari. Saka iweiwe ungapasiwa maropafadzo. Ungapihwa pfuma yenyika yino. Ungawana mikana. Ungapihwa nyasha. Mwari ndivo vanenge vari kutokubatisa zvinhu izvi. Unofanira kuzviseyenzesa munyika yaMwari. Uchizviseyenzesa kuyita mabasa yaMwari.

Tine zvipo zvakasiyana siyana. Isu tinofanira kuseyenzesa zvipo izvi. Tinofanira kuzviseyenzesa takatendeka. Tisiyita seanhu vakabatisiwa nyasha dzaMwari. Izvi ndizvo zvatinoraihwa neBhaibheri. Tinozviyerenga mutsamba yekutanga yaPita chitsauko chechina ndima yegumi. Mari ndechimwe chezvipo izvi. Mwari vanoda kuti tiseyenzese mari seanhu adotendeka. Kureya kuti tinofanira kunyanya kuyishandisa kuyita mabasa yavo. Tisiziya kuti tinoipihwa kuti tiishandise pamabasa yaMwari. Tisisvitsa Ruponeso pasi rose. Tisingangozviunganidziri pfuma iyi.

Saka tinofanira kuseyenzesa mazano yaMwari pakurarama kwedu. Tinofanira kuronga zvinhu zvedu nomazvo. Tisizviita nomazvo. Tisirangarira kuti pfuma yatiinayo ndeye kubatisiwa. Tinofanira kungwarira pfuma iyi. Hazvineyi kuti ingava shoma seyi. Pfuma iyi ungava muhoro. Chingava chipo chatapihwa. Ingava mari yatawana pakuseyenza kwedu. Tinofanira kuinangara seinoyera. Tinofanira kuiseyenzesa kusvitsa Ruponeso kuanhu. Seyenzesa pfuma yako kukudza Mwari. Mwari vanozokuyingidzira pfuma iyi. Vasizokupawo pfuma yepamweya.

Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Makandichengetesa pfuma yenyika yenyu. Ndinoseyenzesa mazano yenyu kuchengeta zvose zvamunondipasa. Ndinotendeka kuzvichengeta. Ndinoshandisa pfuma yangu kuyita mabasa yenyu. Handinayi yandinoti ishoma. Handinayi yandinoti yidowanditsa. Ndinoyikoshesa yose. Mwari vanondiseyenzesa kusvitsa maropafadzo kuanhu. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
1 aKorinde 4 ndima 2
2aKorinde 9 ndima 6–10
Zvirevo 3 ndima 9–10