7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Tisu Takabatiswa Fuma YeDenga
Chishanu, 19 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Saka mungapiwa fuma yenyika ino. Mokoniwa kutendeka nayo. Hapana angazokupai fuma yechokwadi " (Ruka 16 ndima 11).
Iwe unofanira kutendeka nefuma yenyika ino. Zvisizvo hauzopiwi fuma yekudenga. Izvi ndizvo zvakataurwa naTenzi. Tinozvivona mundima yatavhura nayo. Saka ngwarira mabatiro aunoita mari. Mwari vakakutarisa. Vanenge vari kutoda kuvona hunhu hwako. Vachitsvaka kuvona mabasa epamweya avangakupa.
Isu tava muna Muponesi. Tisu tinobatiswa fuma yaMwari. Fuma iyi inofanira kushandiswa munyika yaMwari. Saka iwe ungapiwa maropafadzo. Ungapiwa fuma yenyika ino. Ungawana mikana. Ungapiwa nyasha. Mwari ndivo vanenge vari kutokubatisa zvinhu izvi. Unofanira kuzvishandisa munyika yaMwari. Uchizvishandisa kuita mabasa aMwari.
Tine zvipo zvakasiyana siyana. Isu tinofanira kushandisa zvipo izvi. Tinofanira kuzvishandisa takatendeka. Tichiita sevanhu vakabatiswa nyasha dzaMwari. Izvi ndizvo zvatinorairwa neBhaibheri. Tinozviverenga mutsamba yekutanga yaPita chitsauko chechina ndima yegumi. Mari ndechimwe chezvipo izvi. Mwari vanoda kuti tishandise mari sevanhu vakatendeka. Kureva kuti tinofanira kunyanya kuishandisa kuita mabasa avo. Tichiziva kuti tinoipiwa kuti tiishandise pamabasa aMwari. Tichisvitsa Ruponeso pasi rose. Tisingangozviunganidziri fuma iyi.
Saka tinofanira kushandisa mazano aMwari pakurarama kwedu. Tinofanira kuronga zvinhu zvedu nomazvo. Tichiizviita nomazvo. Tichirangarira kuti fuma yatinayo ndeye kubatiswa. Tinofanira kungwarira fuma iyi. Hazvinei kuti ingava shoma sei. fuma iyi ungava muhoro. Chingava chipo chatapiwa. Ingava mari yatawana pakushanda kwedu. Tinofanira kuivona seinoera. Tinofanira kuishandisa kusvitsa Ruponeso kuvanhu. Shandisa fuma yako kukudza Mwari. Mwari vanozokuwedzera fuma iyi. Vachizokupawo fuma yepamweya.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandichengetesa fuma yenyika yenyu. Ndinoshandisa mazano enyu kuchengeta zvose zvamunondipa. Ndinotendeka kuzvichengeta. Ndinoshandisa fuma yangu kuita mabasa enyu. Handina yandinoti ishoma. Handina yandinoti yakawandisa. Ndinoikoshesa yose. Mwari vanondishandisa kusvitsa maropafadzo kuvanhu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 VaKorinte 4:1-2; 2 VaKorinte 9:6-10; Zvirevo 3:9-10
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)