7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Tisu Takabatiswa pfuma YeDenga
Chishanu, 19 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Saka mungapuwa pfuma yenyika ino. Mokorera kutendeka nayo. Hapanaba angazokupai pfuma yechokwadi " (Ruka 16 v 11).
Iwe unofanire kutendeka nepfuma yenyika ino. Zvisizvoba hauzopuwiba pfuma yekudenga. Izvi ndizvo zvakataurwa naTenzi. Tinozviona muvhesi yatabeura nayo. Saka ngwarira mabatiro aunoita mari. Mwari akakutarisa. Anenge ari kutoda kuona hunhu hwako. Achitsvaka kuona mabasa epamweya aangakupa.
Isu taa muna Muponesi. Tisu tinobatiswa pfuma yaMwari. Pfuma iyi inofanira kushandiswa munyika yaMwari. Saka iwe ungapuwa maropafadzo. Ungapuwa pfuma yenyika ino. Ungawana mikana. Ungapuwa nyasha. Mwari ndiwo anenge ari kutokubatisa zviro izvi. Unofanire kuzvishandisa munyika yaMwari. Uchizvishandisa kuita mabasa aMwari.
Tine zvipo zvakasiyana siyana. Isu tinofanira kushandisa zvipo izvi. Tinofanire kuzvishandisa takatendeka. Tichiita seanhu akabatiswa nyasha dzaMwari. Izvi ndizvo zvatinorairwa neBhaibheri. Tinozvierenga mutsamba yekutanga yaPita 4 v 10. Mari ndechimweni chezvipo izvi. Mwari anoda kuti tishandise mari seanhu akatendeka. Kurewa kuti tinofanira kunyanya kuishandisa kuita mabasa awo. Tichiziya kuti tinoipuwa kuti tiishandise pamabasa aMwari. Tichisvitsa Ruponeso pasi rese. Tisingangozviunganidziriba pfuma iyi.
Saka tinofanire kushandisa mazano aMwari pakurarama kwedu. Tinofanire kuronga zviro zvedu ngemazvo. Tichiizviita ngemazvo. Tichirangarira kuti pfuma yatinayo ndeye kubatiswa. Tinofanire kungwarira pfuma iyi. Hazvineiba kuti ingaa shoma sei. Pfuma iyi ingaa peyi. Chingaa chipo chatapuwa. Ingaa mari yataona pakushanda kwedu. Tinofanire kuiona seinoera. Tinofanire kuishandisa kusvitsa Ruponeso kuanhu. Shandisa pfuma yako kukudza Mwari. Mwari anozokuwedzera pfuma iyi. Achizokupawo pfuma yepamweya.
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandichengetesa pfuma yenyika yenyu. Ndinoshandisa mazano enyu kuchengeta zvese zvamunondipa. Ndinotendeka kuzvichengeta. Ndinoshandisa pfuma yangu kuita mabasa enyu. Handinaba yandinoti ishoma. Handinaba yandinoti yakawandisa. Ndinoikoshesa yese. Mwari anondishandisa kusvitsa maropafadzo kuanhu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
1 VaKorinte 4:1-2; 2 VaKorinte 9:6-10; Zvirevo 3:9-10
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)