7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Vanoseyenzesa Isisu Kuponesa Nyika

Mugovera, 20 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Humambo hwake husaramba husingoyenderera kumberi” (Isaya 9 ndima 7).

Muponesi Jesu vane Sangano reAtsvene vavo. Sangano iri harizi sangano reanamati chete. Mwari vanoriseyenzesa semudziyo. Ndiwo mudziyo wavanoseyenzesa kuyita mabasa yavo mudzinyika. Musangano umu ndimo munowanikiwa chokwadi chese. Ndimo machinosimbisiwa zvekare. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yaPauro yekutanga kuna Timoti chitsauko chechitatu ndima yegumi neshanu.

Mwari vangada kuita chimwe chinhu munyika. Vanoseyenzesa Sangano ravo kuchiyita. Sangano iri ndiwo muiiri wavo. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa muna aEfeso yekutanga ndima yemakumi mayiri nembiri kusvika makumi mayiri nenhatu. Zvino iweiwe uri nhengo yesangano iri. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yekutanga kuaKorinde chitsauko chegumi nembiri ndima yemakumi mayiri nenomwe. Kureya kuti uri nhengo yechinhu chikuru. Chinhu ichi chinobata pasi rose kamupekare chine simba. Simba raMwari rinonangahwa pachiri. Uye chinotonga.

Jesu vakavimbisa kuvaka Sangano reAtsvene vavo. Zvisizoyita kuti masuwo yegomba remoto asagona kurikurira. Apa vakanga vari kunyayira nezvesimba resangano iri. Sangano iri rinokurira gomba remoto. Rinokurira Satani. Rinokurira masimba yose yerima. Zvinhu zvose zvidotsikiwa nesangano iri. Hapanayi kana chibodzi chingasimudza musoro. Izvi ndizvo zvatinonangara muna aEfeso yekutanga ndima yemakumi mayiri nembiri kusvika makumi mayiri nenhatu. Inoti, “Vakabva vayisa zvinhu zvese pasi petsoka dzaMuponesi. Vakavayisa pamusoro pezvinhu zvose. Ndokubva vatora simba rekutonga zvinhu izvi. Ndokuripasa kusangano revasananguhwa vavo. Rinova ndiro muiri wavo. Unovasvitsa kose kose. Vasiita kuti vawanikiwe kose kose. Vakazara munzvimbo dzese”. Izvi zvinoshamisa fani.

Ndiko kusaka pasingafaniri kuwa nemunhu asinayi simba muSangano iri. Shoko raMwari rinonangahwa patiri. Pfuma yavo inonangahwa patiri. Simba ravo rinonangahwa patiri. Nyasha dzavo dzinonangahwa patiri. Nyembe dzavo dzinonangahwa patiri. Ivo vanonangahwa patiri. Mwari ngavapihwe mbiri yose. Isu ndisu tinovhura. Tisu tinovhara. Tinotekayira takatakura Mwari. Tisiamiririra. Mwari vanoseyenzesa Sangano reAtsvene vavo. Vanorishandisa kuunza kururama kwavo panyika. Vanorishandisa kurayikidza ngirozi mazano yavo. Vasiyarayikidzawo kumasimba yerima. Izvi ndizvo zvatinonangara muna aEfeso yechitatu ndima yegumi. Inoti, “Vaine chinangwa chekuseyenzesa vasananguhwa vavo. Vasivaseyenzesa kurayikidza njere dzaMwari. Vasidzirayikidza kuabati. Nekumasimba yari mumhepo”.

Wana chaunoitawo musangano reAtsvene iri. Ita zvinoyita kuti sangano iri rikure. Risimbe. Ribate anhu vadowanda. AEfeso yechina ndima yegumi netanhatu inoti, “Anoyita kuti muuiri wose ubatane zvidonaka. Nhengo dzose dzisijidzana zvidonaka. Nekusimbisana. Nhengo ibodzi noibodzi isisimbisa dzimwe. Isidzisimbisa nepayakarongehwa napo. Zvisiyita kuti muiri ukure. Usisimbisiwa murudo”. Shingayira kuunza anhu kuna Mwari. Mwari vanoda kukuseyenzesa.. Vanoda kukuseyenzesa kugadzirisa nyika yino. Saka unza vose vaunosangana navo kuna Muponesi.

Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Makandiisa mumiiri waMuponesi. Makandiisa makaremo kuti ndive nechandinoyita kugadzirisa nyika yino. Ndinoyita basa rangu. Ndisibatsira kusvitsa Ruponeso kuanhu. Ndisiyita kuti kururama kwenyu kuzaze nyika. Ndisishandisa simba renyu kusandura nyika. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Matiyo 16 ndima 18–19
aEfeso 1 ndima 22–23
aKorose 1 ndima 18

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)