7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Anoshandisa Isu Kuponesa Nyika

Mugovera, 20 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Umambo hwake hucharamba huchingoenderera mberi” (Isaya 9 v 7).

Muponesi Jesu ane Sangano reVatsvene awo. Sangano iri harisiba sangano reanamati basi. Mwari anorishandisa semudziyo. Ndiwo mudziyo waanoshandisa kuita mabasa awo mudzinyika. Musangano umu ndimo munowanikwa chokwadi chese. Ndimo machinosimbiswahe. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yaPauro yekutanga kuna Timoti 3 v 15.

Mwari angada kuita chimweni chiro munyika. Anoshandisa Sangano rawo kuchiita. Sangano iri ndiwo mwiri wawo. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Vaefeso 1 v 22 kusvika 23. Hino iwe uri nhengo yesangano iri. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yekutanga kuVakorinde 12 v 27. Kurewa kuti uri nhengo yechiro chikuru. Chiro ichi chinobata pasi rese. Futi chine simba. Simba raMwari rinoonekwa pachiri. Futihe chinotonga.

Jesu akawimbisa kuaka Sangano reVatsvene awo. Zvichizoita kuti madhoo egomba remoto asakona kurikurira. Apa akanga ari kutaura nezvesimba resangano iri. Sangano iri rinokurira gomba remoto. Rinokurira Satani. Rinokurirahe masimba ese erima. Zviro zvese zvakatsikwa nesangano iri. Hapanaba kana chimweni chingasimudza musoro. Izvi ndizvo zvatinoona muna Vaefeso 1 v 22 kusvika 23. Inoti, “akabva aisa zviro zvese pasi petsoka dzaMuponesi. Akaaisa pamusoro pezviro zvese. Ndokubva atora simba rekutonga zviro izvi. Ndokuripa kusangano reasanangurwa awo. Rinowa ndiro mwiri wawo. Unoasvitsa kwese kwese. Achiita kuti awanikwe kwese kwese. Akazare munzvimbo dzese”. Izvi zvinoshamisa chese.

Ndiko kusaka pasingafaniriba kuwa nemunhu asinaba simba muSangano iri. Soko raMwari rinoonekwa patiri. Pfuma yawo inoonekwa patiri. Simba rawo rinoonekwa patiri. Nyasha dzawo dzinoonekwa patiri. Nyembe dzawo dzinoonekwa patiri. Iwo anoonekwa patiri. Mwari ngaapuwe mbiri yese. Isu tisu tinobeura. Tisu tinokonya. Tinofamba takatakura Mwari. Tichiamiririra. Mwari anoshandisa Sangano reVatsvene awo. Anorishandisa kuunza kururama kwawo panyika. Anorishandisa kupangidza ngirosi mazano awo. Achiapangidzawo kumasimba erima. Izvi ndizvo zvatinoona muna Vaefeso 3 v 10. Inoti, “aine chinangwa chekushandisa asanangurwa awo. Achiashandisa kupangidza njere dzaMwari. Achidzipangidza kuabati. Nekumasimba ari mumhepo”.

Wana chaunoitawo musangano reVatsvene iri. Ita zvinoita kuti sangano iri rikure. Risimbe. Ribate anhu akawanda. Vaefeso 4 v 13 inoti, “Anoita kuti mwiri wese ubatane zvakanaka. Nhengo dzese dzichidyidzana zvakanaka. Nekusimbisana. Nhengo imwe neimwe ichisimbisa dzimweni. Ichidzisimbisa nepayakarongerwa napo. Zvichiite kuti mwiri ukure. Uchisimbiswa murudo”. Shingaira kuunze anhu kuna Mwari. Mwari anoda kukushandisa. Anoda kukushandisa kugadzirisa nyika ino. Saka unze ese aunosangana nawo kuna Muponesi.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandiisa mumwiri waMuponesi. Makandiisamo kuti ndiwe nechandinoita kugadzirisa nyika ino. Ndinoita basa rangu. Ndichibatsira kusvitsa Ruponeso kuanhu. Ndichiita kuti kururama kwenyu kuzadze nyika. Ndichishandisa simba renyu kushandura nyika. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Mateo 16:18-19; VaEfeso 1:17-22; VaKorose 2:9-10


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)