7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Vanoshandisa Isu Kuponesa Nyika

Mugovera, 20 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Umambo hwake hucharamba huchingoenderera mberi” (Isaya 9 ndima 7).

Muponesi Jesu vane Sangano reVatsvene vavo. Sangano iri harizi sangano revanamati chete. Mwari vanorishandisa semudziyo. Ndiwo mudziwo wavanoshandisa kuita mabasa avo mudzinyika. Musangano umu ndimo munowanikwa chokwadi chose. Ndimo machinosimbiswa zvekare. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yaPauro yekutanga kuna Timoti chitsauko chetatu ndima yegumi neshanu.

Mwari vangada kuita chimwe chinhu munyika. Vanoshandisa Sangano ravo kuchiita. Sangano iri ndiwo muviri wavo. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vaefeso yekutanga ndima yemakumi maviri nembiri kusvika makumi maviri nenhatu. Zvino iwe uri nhengo yesangano iri. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yekutanga kuVakorinde chitsauko chegumi nembiri ndima yemakumi maviri nenomwe. Kureva kuti uri nhengo yechinhu chikuru. Chinhu ichi chinobata pasi rose. Uye chine simba. Simba raMwari rinovonekwa pachiri. Uye chinotonga.

Jesu vakavimbisa kuvaka Sangano reVatsvene vavo. Zvichizoita kuti masuwo egomba remoto asagona kurikurira. Apa vakanga vari kutaura nezvesimba resangano iri. Sangano iri rinokurira gomba remoto. Rinokurira Satani. Rinokurira masimba ose erima. Zvinhu zvose zvakatsikwa nesangano iri. Hapana kana chimwe chingasimudza musoro. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vaefeso yekutanga ndima yemakumi maviri nembiri kusvika makumi maviri nenhatu. Inoti, “Vakabva vaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzaMuponesi. Vakavaisa pamusoro pezvinhu zvose. Ndokubva vatora simba rekutonga zvinhu izvi. Ndokuripa kusangano revasanangurwa vavo. Rinova ndiro muviri wavo. Unovasvitsa kose kose. Vachiita kuti vawanikwe kose kose. Vakazara munzvimbo dzose”. Izvi zvinoshamisa chose.

Ndiko kusaka pasingafaniri kuva nemunhu asina simba muSangano iri. Shoko raMwari rinovonekwa patiri. Fuma yavo inovonekwa patiri. Simba ravo rinovonekwa patiri. Nyasha dzavo dzinovonekwa patiri. Nyembe dzavo dzinovonekwa patiri. Ivo vanovonekwa patiri. Mwari ngavapiwe mbiri yose. Isu tisu tinovhura. Tisu tinovhara. Tinofamba takatakura Mwari. Tichivamiririra. Mwari vanoshandisa Sangano reVatsvene vavo. Vanorishandisa kuunza kururama kwavo panyika. Vanorishandisa kutaridza ngirozi mazano avo. Vachiataridzavo kumasimba erima. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vaefeso yetatu ndima yegumi. Inoti, “Vaine chinangwa chekushandisa vasanangurwa vavo. Vachivashandisa kutaridza njere dzaMwari. Vachidzitaridza kuvabati. Nekumasimba ari mumhepo”.

Wana chaunoitavo musangano reVatsvene iri. Ita zvinoita kuti sangano iri rikure. Risimbe. Ribate vanhu vakawanda. Vaefeso yechina ndima yegumi netanhatu inoti, “Anoita kuti muviri wose ubatane zvakanaka. Nhengo dzose dzichidyidzana zvakanaka. Nekusimbisana. Nhengo imwe neimwe ichisimbisa dzimwe. Ichidzisimbisa nepayakarongerwa napo. Zvichiita kuti muviri ukure. Uchisimbiswa murudo”. Shingaira kuunza vanhu kuna Mwari. Mwari vanoda kukushandisa. Vanoda kukushandisa kugadzirisa nyika ino. Saka unza vose vaunosangana navo kuna Muponesi.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandiisa mumuviri waMuponesi. Makandiisamo kuti ndive nechandinoita kugadzirisa nyika ino. Ndinoita basa rangu. Ndichibatsira kusvitsa Ruponeso kuvanhu. Ndichiita kuti kururama kwenyu kuzadze nyika. Ndichishandisa simba renyu kushandura nyika. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mateo 16:18-19; VaEfeso 1:17-22; VaKorose 2:9-10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)