7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Ishe Jesu Vakanyayira Vega Kuti Ivo NdiMwari

Chishanu, 26 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“AJudha adobva kwayari. Vakaakomba. Ndokuabvunza. Vakati, “Isusu hatidi kuramba tisingofungidzira. Ndiwe Muponesi wacho here iweiwe? Uya asapihwa zita raMwari? Tibudire pachena”. Jesu vakabva vavapindura. Vakati, “Inga ndakakuwudzai wani? Asi imi hamunayi kuzvigamuchira. …” (Johane 10 ndima 24 kusvika 25).

Jesu ndivo Muponesi. Ndivo vakapihwa zita raMwari. Ndivo Mwanakomana waMwari. Asi pane vasingadi kutinzva tisinyayira izvi. Vaneti Jesu vacho havanayi kumbonyayira kudayi. Vanhu vanonyayira kudayi havanayi kumboyerenga Bhaibheri nomazvo. Yerenga ndima yatavhura nayo zvekare. Apa aJudha vakauya kuna Jesu. Vakabva vavabvunza. Vakati, “Isu hatidi kuramba tisingofungidzira. Ndiwe Muponesi wacho here iweiwe? Uya asapasiwa zita raMwari? Tibudire pachena”

Ishe vakabva vavapindura. Vakavapindura zvakajeka chayizvo. Ivo vakati, “Inga ndakatokuwudzayi wani. Asi imi hamunayi kuda kuzvibvuma”. Vakabva vayingidzira vasiti, “Mabasa yangu yanondipupurira. Ndinoyaita muzita raBaba”. Kureya kuti Jesu vaisangopupurihwa nemashoko yavo chete. Vaipupurihwawo nemabasa yavo. Aivapupurira kuti ivo ndivo vakanga vari Muponesi wacho. Iyeye akanga akapihwa zita raMwari.

Tenzi vakanga vari Mwari pachavo. Ivo vakanyayira izvi pachena. Havanayi kuyita zvekupota pota. Vakatodzokorora izvi pandima dzinoteyera dzacho. Ndima yemakumi mayiri netanhatu kusvika makumi matatu inoti, “… Ndine makwayi. Makwayi aya anonzva dzinga rangu. … Ndine hupenyu hwandinoyapa. Hupenyu uhu hahuparare. … Ini naBaba wangu tiri munhu mubodzim Tiri verudzi rubodzi”. Izvi zvinoshamisa fani. Mwari chete ndivo vanonyayira vasidayi. Mwari vegani ndivo vanopasa hupenyu husingaperi. Zvino Jesu ndivo Mwari. Ndivo hupenyu husingaperi zvekare. Ndiko kusaka vasigona kupasa anhu hupenyu husingaperi. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yekutanga yaJohwani chitsawuko chechishanu ndima yemakumi mayiri. Ineti, “Tinoziya kuti Mwanakomana waMwari vakatouya. Kamupekare vakaita kuti tigone kunzvisisa. Teziya uya wechokwadi. Saka taa mune uya wechokwadi. Iye Mwanakomana wavo. Jesu Muponesi. Vanova Mwari vechokwadi. Varivo zvekare hupenyu husingaperi”. Hareruya!

Ishe Jesu vakazoti, “Ini naBaba wangu,tiri munhu mubodzi. Tiri verudzi rubodzi”. Mashoko aya yanoshamisa fani. AJudha vainzvisisa mashoko yakadai. Ndiko kusaka vakatora matombo. Vakabva vatsvaga kuwuraya Jesu. Ivo vakanga vari kuti, “Iweiwe uri munhu sevamwe vese vese. Sei uri kuzviyenzanisa naMwari?” Iyi yaiva mhaka yekuti vakanga vasingaziyi Jesu ava. Ivo vakanga vavaziyisa kuti ndivo vakanga vari Muponesi wacho. Vakavaziyisa kuti vaigona kupasa anhu hupenyu husingaperi. Vakavazivisa zvekare kuti vakanga vari Mwanakomana waMwari. Kureya kuti ivo vakanga vasitowa Mwari pachavo. NdiMwari vakanga vauya vari munhu wenyama. Izvi ndizvo zvinoreya kuti Mwanakomana waMwari.

Jesu vakanyayira zvekare muna Johwani yechishanu ndima yemakumi mayiri netanhatu. Vakati, “Nokuti Baba vane hupenyu. Hupenyu uhu huri mavari. Vakapawo Mwanakomana hupenyu uhu. Vakahuyisa mukati make”. Kureya kuti Ishe Jesu vane hupenyu husingaperi. Ndiko kusaka vasigona kuhupasa kuanhu. Vanopihwa vacho ndevaya vanenge vavagamuchira. Ivo ndiMwari pachavo. Saka iweiwe ungaparidzira Jesu. Unganyayira pamusoro pavo. Ungavagamuchira. Nzvisisa kuti ivo havazi munhu wenyika yino. Ivo ndiMwari akuru. Ndivo Muponesi wedu. Ndivo Mwari pachavo. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa naTito yechipiri ndima yegumi nenhatu.

Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Mayita kuti ndinzvisise kuti Muponesi Jesu ndiMwari. NdiMwari vadowuya vari munhu wenyama. Ivo iShoko raMwari. IShoko raMwari ridowuya yari munhu wenyama. Ini ndinovagamuchira. Ndisiparidzira kuti ivo ndivo Muponesi wacho. Ndivo vakapihwa zita raMwari. Ndivo Mwari. Ndivo hupenyu husingaperi. Ndava kuzikamwa nezita ravo. Simba ravo ndiro randava kuseyenzesa pakurarama kwangu. Ndinoseyenzesa simba ravo kutonga. Ndisiziyisa anhu pasi rose kuti Jesu ndivo vari kutonga. Kamupekare kuti ndivo Mwari. Anhu anonangara Shoko raJesu mandiri. Vanonangara simba ravo mandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Johwani 10 ndima 30 kusvika 33
Johwani 14 ndima 9 kusvika 10
aKorose 2 ndima 9

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)