7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Ishe Jesu Vakataura Voga Kuti Ivo NdiMwari
Chishanu, 26 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Vajudha vakabva vauya kwavari. Vakavakomba. Ndokuvabvunza. Vakati, “Isu hatidi kuramba tichingofungidzira. Ndiwe Muponesi wacho here iwe? Uya achapiwa zita raMwari? Tibudire pachena”. Jesu vakabva vavapindura. Vakati, “Inga ndakakuudzai wani? Asi imi hamuna kuzvigamuchira. …” (Johane 10 ndima 24 kusvika 25).
Jesu ndivo Muponesi. Ndivo vakapiwa zita raMwari. Ndivo Mwanakomana waMwari. Asi pane vasingadi kutinzwa tichitaura izvi. Vanoti Jesu vacho havana kumbotaura kudai. Vanhu vanotaura kudai havana kumboverenga Bhaibheri nomazvo. Verenga ndima yatavhura nayo zvekare. Apa Vajudha vakauya kuna Jesu. Vakabva vavabvunza. Vakati, “Isu hatidi kuramba tichingofungidzira. Ndiwe Muponesi wacho here iwe? Uya achapiwa zita raMwari? Tibudire pachena”
Ishe vakabva vavapindura. Vakavapindura zvakajeka chaizvo. Ivo vakati, “Inga ndakatokuudzai wani. Asi imi hamuna kuda kuzvibvuma”. Vakabva vawedzera vachiti, “Mabasa angu anondipupurira. Ndinoaita muzita raBaba”. Kureva kuti Jesu vaisangopupurirwa nemashoko avo chete. Vaipupurirwavo nemabasa avo. Aivapupurira kuti ivo ndivo vakanga vari Muponesi wacho. Iyeye akanga akapiwa zita raMwari.
Tenzi vakanga vari Mwari pachavo. Ivo vakataura izvi pachena. Havana kuita zvekupota pota. Vakatodzokorora izvi pandima dzinotevera dzacho. Ndima yemakumi maviri netanhatu kusvika makumi matatu inoti, “… Ndine makwai. Makwai aya anonzwa inzwi rangu. … Ndine hupenyu hwandinoapa. Hupenyu uhu hahuparari. … Ini. NaBaba vangu. Tiri munhu mumwe chete. Tiri verudzi rumwe”. Izvi zvinoshamisa chose. Mwari chete ndivo vanotaura vachidai. Mwari voga ndivo vanopa hupenyu husingaperi. Zvino Jesu ndivo Mwari. Ndivo hupenyu husingaperi zvekare. Ndiko kusaka vachigona kupa vanhu hupenyu husingaperi. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yekutanga yaJohane chitsauko cheshanu ndima yemakumi maviri. Inoti, “Tinoziva kuti Mwanakomana waMwari vakatouya. Uye vakaita kuti tigone kunzwisisa. Tigoziva uya wechokwadi. Saka tava mune uya wechokwadi. Iye Mwanakomana wavo. Jesu Muponesi. Vanova Mwari vechokwadi. Varivozve hupenyu husingaperi”. Hareruya!
Ishe Jesu vakazoti, “Ini. NaBaba vangu. Tiri munhu mumwe chete. Tiri verudzi rumwe”. Mashoko aya anoshamisa chose. Vajudha vainzwisisa mashoko akadai. Ndiko kusaka vakatora matombo. Vakabva vatsvaka kuuraya Jesu. Ivo vakanga vari kuti, “Iwe uri munhu sevamwe vose vose. Sei uri kuzvienzanisa naMwari?” Iyi yaiva mhaka yekuti vakanga vasingazivi Jesu ava. Ivo vakanga vavazivisa kuti ndivo vakanga vari Muponesi wacho. Vakavazivisa kuti vaigona kupa vanhu hupenyu husingaperi. Vakavazivisazve kuti vakanga vari Mwanakomana waMwari. Kureva kuti ivo vakanga vachitova Mwari pachavo. NdiMwari vakanga vauya vari munhu wenyama. Izvi ndizvo zvinoreva kuti Mwanakomana waMwari.
Jesu vakataura zvekare muna Johane yeshanu ndima yemakumi maviri netanhatu. Vakati, “Nokuti Baba vane hupenyu. Hupenyu uhu huri mavari. Vakapavo Mwanakomana hupenyu uhu. Vakahuisa mukati make”. Kureva kuti Ishe Jesu vane hupenyu husingaperi. Ndiko kusaka vachigona kuhupa kuvanhu. Vanopiwa vacho ndevaya vanenge vavagamuchira. Ivo ndiMwari pachavo. Saka iwe ungaparidza Jesu. Ungataura pamusoro pavo. Ungavagamuchira. Nzwisisa kuti ivo havasi munhu wenyika ino. Ivo ndiMwari vakuru. Ndivo Muponesi wedu. Ndivo Mwari pachavo. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naTaitasi yepiri ndima yegumi nenhatu.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Maita kuti ndinzwisise kuti Muponesi Jesu ndiMwari. NdiMwari vakauya vari munhu wenyama. Ivo iShoko raMwari. IShoko raMwari rakauya ari munhu wenyama. Ini ndinovagamuchira. Ndichiparidza kuti ivo ndivo Muponesi wacho. Ndivo vakapiwa zita raMwari. Ndivo Mwari. Ndivo hupenyu husingaperi. Ndava kuzikanwa nezita ravo. Simba ravo ndiro randava kushandisa pakurarama kwangu. Ndinoshandisa simba ravo kutonga. Ndichizivisa vanhu pasi rose kuti Jesu ndivo vari kutonga. Uye kuti ndivo Mwari. Vanhu vanovona Shoko raJesu mandiri. Vanovona simba ravo mandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 10:30-38; Johane 14:9-10; VaKorose 2:9
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)