7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Ishe Jesu akataura ega Kuti Iwo NdiMwari

Chishanu, 26 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Vajudha vakabva vauya kwavari. Vakavakomba. Ndokuvabvunza. Vakati, “Isu hatidi kuramba tichingofungidzira. Ndiwe Muponesi wacho here iwe? Uya achapiwa zita raMwari? Tibudire pachena”. Jesu vakabva vavapindura. Vakati, “Inga ndakakuudzai wani? Asi imi hamuna kuzvigamuchira. …” (Johane 10 ndima 24 kusvika 25).

Jesu ndiwo Muponesi. Ndiwo akapuwa zita raMwari. Ndiwo Mwanakomana waMwari. Asi pane asingadiba kutizwa tichitaura izvi. Anoti Jesu acho haanaba kumbotaura kudai. Anhu anotaura kudai haana kumboerenga Bhaibheri ngemazvoba. Erenga vhesi yatabeura nayohe. Apa Vajudha akauya kuna Jesu. Akabva abvunza. Akati, “Isu hatidiba kuramba tichingofungidzira. Ndiwe Muponesi wacho ere iwe? Uya achapuwa zita raMwari? Tibudire pamhene”

Ishe akabva aapindura. Akaapindura zvakajeka chaizvo. Iwo akati, “Inga ndakatokuudzai wani. Asi imi hamuna kuda kuzvibvumaba”. Akabva atutsira achiti, “Mabasa angu anondipupurira. Ndinoaita muzita raBaba”. Kureketa kuti Jesu aisangopupurirwa nemasoko awo basiba. Aipupurirwawo nemabasa awo. Aiapupurira kuti iwo ndiwo akanga ari Muponesi wacho. Iyeye akanga akapuwa zita raMwari.

Tenzi akanga ari Mwari pachawo. Iwo akataura izvi pamhene. Haanaba kuita zvekupota pota. Akatodzokorora izvi pavhesi dzinoteera dzacho. Vhesi 26 kusvika 30 inoti, “… Ndine makwai. Makwai aya anozwa izwi rangu. … Ndine hupenyu hwandinoapa. Hupenyu uhu hahuparariba. … Ini. NaBaba angu. Tiri munhu mumwe basi. Tiri werudzi rumwe”. Izvi zvinoshamisa maningi. Mwari basi ndiwo anotaura achidai. Mwari ega ndiwo anopa hupenyu husingaperiba. Hino Jesu ndiwo Mwari. Ndiwo hupenyu husingaperibahe. Ndiko kusaka achikona kupe anhu hupenyu husingaperiba. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yekutanga yaJohane 5 v 20. Inoti, “Tinoziya kuti Mwanakomana waMwari akatouya. Futi akaita kuti tikone kuzwisisa. Tizoziya uya wechokwadi. Saka taa mune uya wechokwadi. Iye Mwanakomana wawo. Jesu Muponesi. Anowa Mwari wechokwadi. Ariwozve hupenyu husingaperi”. Hareruya!

Ishe Jesu akazoti, “Ini. NaBaba angu. Tiri munhu umwe chete. Tiri erudzi rumwe”. Masoko aya anoshamisa maningi. Vajudha aizwisisa masoko akadai. Ndiko kusaka akatora mapuwe. Akabva atsvaka kuuraya Jesu. Iwo akanga ari kuti, “Iwe uri munhu seamwe ese ese. Sei uri kuzvienzanisa naMwari?” Iyi yaiwa ndaa yekuti akanga asingaziyi Jesu aya. Iwo akanga aaziyisa kuti ndiwo akanga ari Muponesi wacho. akaaziyisa kuti aikona kupa anhu hupenyu husingaperiba. Akaaziyisazve kuti akanga ari Mwanakomana waMwari. Kurewa kuti iwo akanga achitowa Mwari pachawo. NdiMwari akanga auya ari munhu wenyama. Izvi ndizvo zvinorewa kuti Mwanakomana waMwari.

Jesu akataurahe muna Johane 5 v 26. Akati, “Nekuti Baba ane hupenyu. Hupenyu uhu huri maari. Akapawo Mwanakomana hupenyu uhu. Akahuisa mukati make”. Kurewa kuti Ishe Jesu ane hupenyu husingaperiba. Ndiko kusaka achikona kuhupa kuanhu. Anopuwa acho ndeaya anenge aagamuchira. Iwo ndiMwari pachawo. Saka iwe ungaparidza Jesu. Ungataura pamusoro pawo. Ungaagamuchira. Zwisisa kuti iwo haasiba munhu wenyika ino. Iwo ndiMwari akuru. Ndiwo Muponesi wedu. Ndiwo Mwari pachawo. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa naTaitasi 2 v 13.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Maita kuti ndizwisise kuti Muponesi Jesu ndiMwari. NdiMwari akauya ari munhu wenyama. Iwo iSoko raMwari. ISoko raMwari rakauya ari munhu wenyama. Ini ndinovagamuchira. Ndichiparidza kuti iwo ndiwo Muponesi wacho. Ndiwo akapuwa zita raMwari. Ndiwo Mwari. Ndivo hupenyu husingaperiba. Ndaa kuzikanwa ngezita rawo. Simba rawo ndiro randaa kushandisa pakurarama kwangu. Ndinoshandisa simba rawo kutonga. Ndichiziyisa anhu pasi rese kuti Jesu ndiwo ari kutonga. Futi kuti ndiwo Mwari. Anhu anoona Soko raJesu mandiri. Anoona simba rawo mandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 10:30-38; Johane 14:9-10; VaKorose 2:9


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)