Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 

Wangoziwa Diko Rezviro Zvetse

Svondo, 8 Gunyana 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Asi kana Mwiya awa,wangotawura idi. Wazowuya. Washakujekeserani idi retse. Kuti murarame ndiro. Wangonga wasirutawura ngezvawoba, asi zvawadonzwa. Futizve, washakutawurirani zviro zvishawuya." (Yohane 16 ndima 13).

Kazhinji apo wanhu wangokonzwa,wadowanda wawo hawaziwi shikonzero shetsekwende yawoba. Wangozama mhando dzemishonga yetse. Ina yacho ingotowedzera kuwakwadza wasingazviwoniba. Kana pasina shatsandukaba, wangowamba kushupika wayiti, Ngenyi ndirusongana ngematambudziko etse aya? Ngenyi zvidoshare zviruyitika kwandiri?

Zvisinenyi hazvoba, Mwiya Mutsvene adotumwa kukutungamirira muyidi retse kusanganisira diko rehutano hwako. Angokwanisa kukubatsira kuziwa dambudziko racho ngekuti ringogadziriswa senyi. Wayizviziwa yere kuti Mwiya Mutsvene mhurapi? Mhurapi! Bhayibheri ringoti kana ayikara mawuri, angoraramisa mwiri wako wenyama. Hazvina ndawa kuti pane hosha idobatwa pawuriba. Ushatowona tsanduko idonaka basi ngekuti zvinozvi Mwiya Mutsvene atukara mawuri. Mwari ngawakudzwe!

Pena uri mupwere weshikoro kana kuti pane zvidzidzo zvawuruyita, Mwiya Mutsvene ndiye mufundisi ari umo uri. Ungofanira kumuteyerera ngekuti angoziwa zvetse. NdiMwiya wenjere, weruziwo ngekunzwisisa. Angokwanisa kukuzaza ngeruziwo rwezvingodiwa ndiMwari ngenzero dzetse ngekunzwisisa kwemwiya kwezviro zvetse. Mhuvhunze basi.

Mwiya Mutsvene adowuya kowokubatsira muzviro zvetse hazvo zvehupenyu. Mungawa mubhizimisi, mumhuri kana mumare dzako. Adowuya kowokubatsira kukurira zviro. Pfuma yako huru ushari panyika panapa ndiMwiya Mutsvene. Angokufundisa Soko raMwari ngekukutondedza zviro zvawungonga wafunga zvacho.


Mwiya Mutsvene angokutungirira mukunamata ngekukupangidza remangwani rako. Saka hawumbokurirwiba kana kumbundikana. Kurudzira basa rashe ngekusenza kwashe muhupenyu hwako ngekukara uyiziwa kuti ari umo uri, anewe nguwa dzetse. Ungokwanisa kubhuya naye kudarika zvawungoyita ngewena wanhu wetse. Mhutende ngekuwa mufundisi, mubatsiri ngemutungamiriri wako angokara anewe.

Namata Uyiti

Baba wandingoda, ndingokutendani ngekusenza kwaMwiya Mutsvene muhupenyu hwangu. Ndingotungamirirwa ndiwo nguwa dzetse wayindibatsira kukunda muzviro zvehupenyu hwangu zvetse. Mumare, hutano, basa ,mhuri, hukama ngemubasa rangu raMwari. Ndingofamba muhungwaru ndiyiziwa zvandingofanira kuyita nguwa dzetse kuzazitsa zvandidorongerwa muna Kristo. MuZita raYeso . Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi :
Johane 16 ndima 13 AMPC
Johane 14 ndima 26
VaRoma 8 ndima 26 kusvika 27 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church