English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Mutemo WaMwiya Wehupenyu

China, 16 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ngekuti mutemo waMwiya wehupenyu muna Yeso Kristo udondisunungura kubva kumutemo werutadzo, ngerufu. (WaRoma 8 ndima 2).

Muna 1 Yohane 3 ndima 4, Yohane angonyora ayiti, "Wani nawani angoyita shitadzo angonyangadzirawo mutemo, ngekuti rutadzo kunyangadza kwemutemo." Asi Pauro muna 1 Timoti 1 ndima 9 angotitawurira kuti, "Tingoziwawo kuti mutemo hawudoyisirwa wadoruramaba?. Ifefe tife wadorurama washo. Zvingobva zvatipa mubvunzo wekuti, TsemaKristo, tisharindori patsi pemutemo yere?

Ehunde tisharipo, asi hawushari mutemo waMozisiba. Tsandi mutemo werutadzo kana rufuba. Mhutemo waMwiya wehupenyu. Ndiwo udodayidzwa ndiJemusi kuti mutemo udonaka wekusununguka muna Jemusi 1 ndima 25: Asi munhu angonyatsa kuringa mumutemo udonaka uyo ungopa rusununguko, ayiramba ayiyita izvezvo, asingakanganwi izvo anzwaba asi ayizviyita, munhu uyu ashakomborerwa mune izvo angoyita.

Masoko ekuti, mutemo udonaka wekusununguka angonakidza kusenzesa pakutawura. Mutemo ungonyanya kupangidza kurambidzwa, asi apa uruburitsa rusununguko. Mutemo uyu ungosenza munefe kubvisa kurambidzwa kana kutadziswa kungobva kuna Satani. Tsekuti kana hosha ikawuya pamwiri, kuwora kana kutadziswa kwehutano hwemunhu. Asi tingotenda Mwari, Bhayibheri ringoti Yeso Kristo wadobvisa rufu, wayiwunza hupenyu ngekutsapfaba pamhene. (2 Timoti 1 ndima 8-10). Hareruya!

Kana udobarwa patsva, watine hupenyu husingaperiba. Hupenyu husingaperiba hawudi kuporeswaba. Saka hazvina ndawa kuti shinyi shingowuya pamwiri wako wenyama, ukatenha hupenyu hwaMwari huri mumwiya mako, mwiri wako ungogwinyiswa. Muna WaRoma 8 ndima 11 Bhayibheri ringoti, Asi kana Mwiya weuyo udomutsa Yeso kubva kuwapfi uyikara munemwe, iyeye udomutsa Yeso kubva kuwapfi, ashararamisawo mwiri yanu ingopfa ngeMwiya washe ungokara munemwe (WaRoma 8:11).

Mwiya Mutsvene ari munewe angopa hupenyu. Zviro zvetse zviri munyika zvingoparara hazvo, hupenyu hungosenza munewe ngemuzviro zvetse zvine shekuyita newe ngekuti uri munzvimbo yehupenyu. Udobva kurufu kuyenda kuhupenyu. (Yohane 5 ndima 24). Hareruya!

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngemutemo udonaka wekusununguka uyo ndingorarama ngekusenza ndiwo. Ndingofamba murusunguko rwaMwiya Mutsvene, pasina shingoyita kuti ndimbundeba. Angoyita kuti ndikwanise kuyita izvo mungoda. Ndingodzika kuti shinangwa shanu shingozazitswa munene ngekuburikidza ndini, ndiyiwunza kururama kwanu mune zvetse izvo ndingoyita, muZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Varoma 8 ndima 10 kusvika 11
Vagaratiya 5 ndima 1
Johane 5 ndima 24

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church