English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Kuzvarwa KeChipiri Kunotova Kuzvarwa Chaiko

Chishanu, 17 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva. Zvaakanga ari kare hazvichisipo. Tarisa uvone. Zvavapo zvose zvava zvitsva (2 Vakorinde 5 ndima 17).

Pane mumwe murume akambouya kuna Jesu. Murume uyu ainzi Nikodhimasi. Akanga ari mudzidzisi weVajudha. Aitoremekedzwa chose. Asi ane zvaakanga asinganzwisisi. Tenzi vakamutarisa. Vakataura mashoko. Mashoko acho aipokana nezvaakanga akadzidziswa zvose. Tinoaverenga muna Johane yetatu ndima yetatu. Inoti, Rega ndikuudze chokwadi. Munhu anofanira kuzvarwa kechipiri. Ndiko kuti avone hushe hwaMwari.

Mashoko aya akavhiringa Nikodhimasi uyu. Akabva abvunza Tenzi. Akati, Munhu anozvarwa sei kechipiri? Handiti anenge atokura? Asi Ishe Jesu vakanga vasiri kutaura kuzvarwa kwemuviri wenyama. Vakanga vari kutaura kuzvarwa kwemweya. Saka munhu anotogona kuzvarwa kechipiri. Iri harisi dimikira. Chinhu chinotoitika. Munhu uyu anenge ari kutoshandurwa rudzi. Achiitwa werudzi rwaMwari pachavo. Achiitwa weropa raMwari.

Kuda iwe wakazvarwa kechipiri. Apa wakanga usiri kungoitwa munamati. Wakanga uri kutoshandurwa rudzi. Uchiitwa munhu weropa raMwari. Mweya wako wakatoshandurwa musi uyu. Wakabviswa munzvimbo inofa zvinhu. Ukaiswa munzvimbo isingafi zvinhu. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane yeshanu ndima yemakumi maviri nena. Inoti, Regai ndikuudzei chokwadi. Kana munhu akanzwa shoko rangu. Akagamuchira wakandituma. Munhu wakadai ane hupenyu husingaperi. Haasi kuzomiswa mberi kwedare. Anenge abuda murufu. Anenge ava muhupenyu.

Iwe wakazvarwa kechipiri. Shoko raMwari ndiro rakakuzvara apa. Mweya Mutsvene ndivo vakaita kuti uzvarwe kudai. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane yetatu ndima yetanhatu kusvika yenomwe. Inoti, Nyama inozvara nyama. Mweya unozvara mweya. Unofanira kuzvarwa patsva. Iyi haisi nyaya yekutamba nayo. Tsamba yaPita yekutanga chitsauko chekutanga ndima yemakumi maviri nenhatu inoti, Nokuti makazvarwa patsva. Kechipiri. Musingazvarwi nembeu inovora. Asi isingavori. Inova Shoko raMwari. Benyu. Rinogara nekusingaperi.

Johane yekutanga ndima yegumi nembiri kusvika gumi nenhatu inotivo, Asi kune vamwe vakarigamuchira. Vakagamuchira zita rake. Vanhu ava vakabva vapiwa simba. Nemvumo. Yekuti vave vanakomana vaMwari. Vanhu ava vakabva vazvarwa kechipiri. Kwete neropa. Kana nekuda kwenyama. Kana nekuronga kwemurume. Asi vakazvarwa naMwari pachavo. Izvi ndizvo zvinoreva kuzvarwa kechipiri. Unenge uri kutozvarwa naMwari pachavo. Uchitobva washanduka rudzi. Mweya wako uchiva werudzi rwavo. Uchiva weropa ravo. Saka unenge usisiri werudzi rwevanhu vasina kuponeswa. Uchiri panyika pano hako. Asi wafanana naJesu pazvose. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yaJohane yekutanga chitsauko chechina ndima yegumi nenomwe. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ndakashanduka rudzi. Ndava Mumwari. Ndava weropa raMuponesi. Ndakazvarwa neShoko raMwari. Shoko iri rinogara nekusingaperi. Ndasiyana nevanhu venyika ino. Ndava chisikwa chitsva. Ndakazvarwa neShoko raMwari. Ndakazvarwa naMweya venyu. Ndava kurarama hupenyu hweVamwari. Ndava kurarama mukururama. Ndinokurira zvinhu zvenyika ino. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 3 ndima 3 kusvika 8
Jakobo 1 ndima 18
Vagaratiya 2 ndima 20

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church