English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Kubarwa Keshipiri Ngekwediko Mumwiya
Chishanu, 17 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Saka kana munhu ati muna Kristo. Yati inawo mhuka. Itsva. Izvo adonga ari kara hazvisharipoba. Ringa uwone, zvatipo zvetse zvati zvitsva (2 WaKorinde 5 ndima 17).
Una mufundisi weshiJudha ayinzi Nikodhimasi, ayikudzwa maningi, adowuya kowona Tenzi Yeso. Adonga ari mutungamiriri wemaJudha asi zvidosharo hazvo, pane isho adonga asinaba. Tenzi wadomuringa wayibva watawura masoko adokurira shitendero shashe ngeizvo ayiyita. Kunza kwekunga munhu abarwazve patsva, hawakwanisi kuwona huMambo hwaMwariba (Yohane 3 ndima 3).
Nikodhimasi, adobvunza ayiti, Munhu angobara futi senyi iye akura? Asi Tenzi Yeso wadonga wasirutawura ngezvekubarwa panyamaba; wadonga waruburitsa diko remumwiya. Kubarwa patsva tsandindori shiyito shingondoyitwa sheshitenderoba kana shisinganzwisisikaba, shiro shingoyitika zvediko mumwiya. Kutawura kuti kutambira hupenyu hutsva, hupenyu ngehunhu hwaMwari pashawo.
Apo udobarwa patsva, hawuna kuwunzwa kune ina nzira yekunamata ndiyoba; pane kutsanduka kwemumwiya kudoyitika. Kudonga kuri kutobarwa kwediko. Hupenyu hwako hwemunhu wenyama hudotsihwa ngehupenyu hwewaMwari apo udobarwa patsva. Pane shiro shidoyitika mumwiya; udowunzwa kubva kurufu kuwuya muhupenyu ngekutsapfaba: Zvirokwazvo zvirokwazvo ndingoti kunemwe, uyo angonzwa soko rangu, ngekutendera kune uyo udondituma, ane hupenyu husingaperiba, haasviki pakutongwaba, asi abviswa kurufu kuyenda kuhupenyu (Yohane 5 ndima 24).
Apo udobarwa patsva, udobarwa ngeSoko ngeMwiya waMwari: Yohane 3 ndima 6 kusvika 7 ingoti, Isho shidobarwa ngenyama hinyama, isho shidobarwa ndiMwiya mwiya. Mutsashamisike ngekuti ndati, ungofanira kubarwa patsvaba (Yohane 3:6-7). 1 Pita 1 ndima 23 ingotiwo, Kubarwa patsva, hayikona ngembewu ingoworaba asi isingaworiba, ngeSoko raMwari, ringorarama ngekukara ngekusingaperiba.
Muna Yohane 1 ndima 12 kusvika 13, Bhayibheri ringotiwo, Asi kune wadowanda wetse wadomutambira, adowapa simba rekuti wawe wapwere waMwari, iwawo wangotendera kuzita rashe: Awo wadobarwa hayikona ngeropaba kana ngekuda kwenyama, kana ngekuda kwemwamuna asi ngekuda kwaMwari . Ndizvo zvingotawura kubarwa patsva. Ungonga watobarwa ndiMwari, ngehupenyu hwawo, ngehunhu hwawo mumwiya mako. Udotosiyana ngewena wasiri maKristoba. Tsezviri Yeso, ndizvo uriwo munyika munomu (1 Yohane 4 ndima 17). Hareruya!
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngehupenyu hungoshamisa hwaKristo hwatusenza munene. Ndidobarwa ngeSoko risingaworiba, ringorarama ngekuwapo ngekusingaperiba; handiri munhu wemanga mangaba. Ndiri shisikwa shitsva, shidobarwa ngeSoko ranu ngeMwiya wanu. Ndingorarama hupenyu hwepamutsoro, hudozara kupenya ngekururama. Ndingofamba mukukunda mazuwa etse. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Johane 3 ndima 3 kusvika 8
Jakobo 1 ndima 18
Vagaratiya 2 ndima 20
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church