Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 

Ivo Vanoziva Zvose

Svondo, 8 Gunyana 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi kana Mweya ava. Vanotaura chokwadi. Vazouya. Vachakujekeserai chokwadi chose. Kuti murarame nacho. Vanenge vasiri kutaura zvavo. Asi zvavakanzwa. Zvekare, vachakuzivisai zvinhu zvichauya (Johane 16 ndima 13).

Vamwe vanhu vangarwara. Kazhinji vanenge vasingazivi zvinenge zviri kuvarwarisa. Saka vanotenga mishonga. Imwe yemishonga iyi inotozovawedzera kurwara. Vanhu ava vangasazopora. Vanobva vashamisika nazvo. Vachiti, Sei ndiri kutambura kudai? Nemhaka yei ndichirwara kudai? Sei izvi zviri kuitika kwandiri?.

Mweya Mutsvene ndivo vawakatumirwa. Varipo kukuzivisa zvinhu zvose. Ndivo vanokuzivisa nezvehutano hwako. Vanogona kukubatsira kunzwisisa zvinenge zviri kuitika mumuviri wako. Vachizokuzivisazve kuti ungazvigadzirisa sei. Mweya Mutsvene ava murapi. Wanga uchizviziva here? Iwe ungava naMweya Mutsvene ava mauri. Vanozoraramisa muviri wako wenyama. Izvi ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri. Saka ungabatwa chirwere. Usanetseka hako. Mweya Mutsvene vava kugara mauri. Saka unopora chete. Mwari ngavakudzwe saMwari.

Kuda une zvidzidzo zvauri kuita. Mweya Mutsvene ndivo Mudzidzisi wako. Ndivo Mudzidzisi vanogara mukati mako. Ivo vanoziva zvose. Saka unofanira kuvateerera. Ndivo vane mazano ose aMwari. Ndivo vanoziva zvose. Ndivo vanonzwisisa zvose. Vanogona kukubatsira kuziva zvinodikanwa naMwari. Vanogona kukupa mazano aMwari. Vanogona kukubatsira kunzwisisa zvinhu zvemweya. Ingovakumbira kuti vakubatsire.

Mweya Mutsvene varipo kukubatsira. Vanoda kukubatsira muzvinhu zvose zvehupenyu. Vanokubatsira mumabasa ako. Vanokubatsira kuchengeta mhuri yako. Vanokubatsira kuchengeta mari yako. Vakauya kuzokubatsira kukurira zvinhu zvenyika ino. Vachikuita munhu anoshamisa zvikuru. Mweya Mutsvene inotova fuma. Ndiyo fuma yako huru panyika pano. Ivo vanokudzidzisa Shoko raMwari. Vachikurangaridza zvawakadzidza.

Mweya Mutsvene vanokutungamirira. Vanokutungamirira paya paunenge uri kunamata. Vachikutaridza zvichauya mangwana. Saka hazvigoni kuti ukurirwe. Hazvigoni kuti ukundikane. Rarama semunhu anoziva kuti ivo vanogara mauri. Uye vanewe nguva dzose. Izvozvo zvinozoita kuti ivo vawedzere kushanda muhupenyu hwako. Iwe unogona kutotaurirana navo. Vanotaurika navo kudarika vamwe vanhu vose. Ivo ndivo mudzidzisi wako. Mudzidzisi wako anogara ainewe. Ndivo mubatsiri wako. Ndivo mutungamiriri wako. Saka vatende.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mweya Mutsvene vari kushanda muhupenyu hwangu. Vachindibatsira kukurira zvandinosangana nazvo muhupenyu. Mungava mumari dzangu. Kana muhutano. Kana kubasa. Kana mumhuri. Kana mushumiro yangu. Ndinogara ndichiteerera kwavari. Ndichitsvaka kuziva zvavanoda kuti ndiite. Ndinoshandisa mazano aMwari pakurarama kwangu. Ndinoziva zvandinofanira kuita muhupenyu. Saka ndinorarama hupenyu hwandakarongerwa muna Muponesi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 16 ndima 13 AMPC
Johane 14 ndima 26
VaRoma 8 ndima 26 kusvika 27 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church