English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Mutemo WaMweya VeHupenyu

China, 16 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Kune mutemo wemweya wehupenyu. Mutemo uyu unoshanda muna Muponesi Jesu. Mutemo uyu wakandisungunura. Ukaita kuti ndisafa. Wakandisungunuravo kubva kumutemo wezvivi (Varoma 8 ndima 2).

Johane ane mashoko aakanyora. Tinoaverenga mutsamba yake yekutanga chitsauko chetatu ndima yechina. Inoti, Mumwe nemumwe anoita zvivi, anodarika murairo. Nokuti chivi kudarika murairo. Pauro ane mashoko aakanyoravo. Tinoawana mutsamba yake yekutanga kuna Timoti chitsauko chekutanga ndima yepfumbamwe. Inoti, Nokuti tinoziva kuti murairo hauna kugadzirirwa munhu akarurama. . Isu tisu vakarurama vacho. Hatisi isu vakagadzirirwa murairo. Saka vamwe vanozobvunza vachiti, Vatsvene vane mutemo wavakapiwa here?

Hongu. Vane mutemo wavakapiwa. Asi mutemo wacho hausi uya waMosesi. Hausiwo mutemo wezvivi. Iwo mutemo uya unovuraya. Vatsvene vakapiwa mutemo waMweya vehupenyu. Jemusi anotsananguravo mutemo uyu. Anouti mutemo wevanhu vakasungunuka. Izvi ndizvo zvatinovona muna Jemusi yekutanga ndima yemakumi maviri neshanu. Inoti, Asi munhu uya. Anotarisa mumurairo wakagadzirirwa vanhu vakasungunurwa. Achibva aushandisa pakurarama kwake. Asisiri munhu anongonzwa achikanganwa. Asi zvaanzwa izvi zvichizovonekwa pahupenyu hwake. Munhu iyeye acharopafadzwa muzvinhu zvose zvaanoita.

Mundima iyi mune mashoko anoti, murairo wakagadzirirwa vanhu vakasungunurwa. Mashoko aya anoshamisa chose. Nokuti murairo unosunga vanhu. Ndiko kuziva kwatinoita murairo. Asi uyu uri kunzi unosungunura vanhu. Murairo uyu mutemo. Unoshanda mukati medu. Unobvisa zvose zvinotsvaka kutisunga. Izvo zviya zvinobva kuna Satani. Zvinhu izvi zvinosanganisira hurwere. Hurwere hunotsvaka kuparadza munhu. Huchimusunga. Huchimukonesa kuita zvaanoda. Asi tinotenda Mwari. Muponesi Jesu vakaparadza rufu. Vakaita kuti tigone kuwana hupenyu. Uye tigone kusafa. Izvi ndizvo zvativona mutsamba yaPauro yechipiri kuna Timoti chitsauko chekutanga ndima yesere kusvika yegumi. Hareruya!

Iwe ungava wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti wakashanduka rudzi. Wava weropa reVamwari. Vanhu veropa iri havafaniri kuita zvekurapwa. Havabatiri zvirwere. Saka zvirwere zvingatsvaka kuvabata hazvo. Ivo vanogona kumutsa simba reropa raMwari. Vanorimutsa mumweya yavo. Miviri yavo inobva yagwinyiswa. Ichibva yadzingira zvirwere zviya kure. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma yesere ndima yegumi neimwe. Inoti, Uye kana Mweya waiyeyu akamutsa Jesu kubva kuvakafa. Achigara mukati menyu. Iye wakamutsa Jesu kuvakafa. Achashandisa Mweya Mutsvene ava. Vari mamuri. Kuraramisa miviri yenyu iyi. Yanga ichifanira kufa.

Mweya Mutsvene vava kugara mauri. Mweya Mutsvene ava vanoraramisa zvinhu. Zvinhu zvenyika ino zvinofa. Asi zvako iwe hazvifi. Hazvifi nokuti wava kugara munyika isingafi zvinhu. Wakabviswa munzvimbo inofa zvinhu. Ukapinzwa munzvimbo isingafi zvinhu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane yeshanu ndima yemakumi maviri nena. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ini ndava kurarama nemutemo wevakasungunuka. Ndinorarama murusungunuko rwaMweya Mutsvene. Hapana chinondisunga. Ndava nesimba rekuita zvamunoda imi. Ndinoita mabasa enyu. Uye kururama kwenyu kunovonekwa pane zvose zvandinoita. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 10 kusvika 11
Vagaratiya 5 ndima 1
Johane 5 ndima 24

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church