7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Tiri Nyika YeRunako basi

Chitatu, 17 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Hino Dhanieri akakone akanyisa akuru namachinda mumaitiro ake aishamisa maningi mambo akaronge kumugadza kuti awe pamusoro peumambo hwese” (Dhaniyeri 6 v 3).

Isu tiri agari enyika yaMwari. Tinoite zviro ngemazvo. Iyi inotowa tsika yedu. Hatitambuririba kuite zviro ngemazvo. Tinoite zviro zvinofadza. Mwari Baba anoita zviro zvese ngemazvo. Hino isu takabarwa nawo. Saka nesuwo tinoite zviro zvese ngemazvo. Iwe haufaniriba kungowa nehushasha basiba. Unofanire kuitahe zviro ngemazvo. Ndiko kuti usiyane neanhu enyika ino. Uchizobudidira muhupenyu. Hushasha basi hahukoni kukubudiririsa zvakadai.

Dhaniyeri uyu akazoitwa mukuru pabasa. Iye aiwa hake nehushasha. Asi hushasha uhu hahusihwoba hwega hwakaite kuti aitwe mukuru kudai. Iye aiita zviro zvese ngemazvo. Izvi ndizvo zvataona muvhesi yatabeura nayo. Yati, “Hino Dhanieri akakona akakunda akuru namachinda mumaitiro ake aishamisa zvekuti mambo akaronga kumugadza kuti awe pamusoro peumambo hwese”. Iwe wawa naMweya Mutsvene. Mweya aya ndiwo akaita kuti Dhaniyeri aite zviro ngemazvo. Saka newewo wawa kukona kuita zviro ngemazvo.

Munhu anofanira kunge aine hunhu hwakanaka. Anofanira kunge achikona kutsungirira. Haafaniriba kunge ari munhu anongoteedzera amweniba. Anofanire kunge aine mafungiro akanaka. Ndiko kuti akone kuita zviro zvake ngemazvo. Mwari anoda kuti uite zviro zvako nemoyo wese. Haadiba kuti ungoita. Iwo akakupa simba rekupenya. Anoda kuti aonekwe pauri. Izvi ndizvo zvatinoona mutsamba yekutanga yaPita 2 v 9. Inoti, “Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa. Madzimambo. apiri. Rudzi rutsvene. anhu aakazviwanira. Kuti anokuonai arumbidze Mwari. Iwo akakutorai. akakubvisai murima. akakupinzai muchiedza chawo chinoshamisa”.

Tsamba yechipiri yaPita 1 v 3 inoti, “Kuziya iwo akatitora kuti tiwe anhu erudzi rwawo. Akakwana. Kwakaita kuti simba rawo reVamwari ritiwanise zviro zvese zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari”. Mwari ndiwo akaronga kuti uwe werudzi rwawo. Ndiwo akaronga kuti uite zviro zvese nemazvo. Izvi ndizvo zvatiri kuona muvhesi iyi. Saka ita zviro zvako ngemazvo. Shumira Mwari ngemazvo. Ita mabasa ako ngemazvo. Ita zvidzidzo zvako ngemazvo. Ronga kuita zviro zvese nemazvo. Taure semunhu anoda kuita zviro nemazvo. Taridzika semunhu anoita zviro nemazvo. Ita zviro zvako nenguwa. Uchipangidza kuti unoite zviro zvako nemazvo.

Shingaira pamabasa ako. Usaite zviro zvako seanhu ese ese. Usangotiba chero zvaitwa. Ipa zvakanakisisa. Usingatsvakiba kufadza anokuona. Asi nekuti wakamiririra nyika yaMwari. Ndiwe kururama kwaMwari. Iko kururama kuya kuri muna Muponesi Jesu. Munhu akarurama anoite zviro ngemazvo. Saka pangaa nebasa raunofanira kuita. Uyu unenge uchitowa mukana wekupangidza runako rweVamwari. Saka usaite zviro uchisiirira zvimweniba. Zviite nemoyo wese. Zvichibuda zvinofadza. Anhu anofanira kukona kutemba newe pabasa.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Mweya Mutsvene ari mandiri. Akandipa mweya wekuita zviro nemazvo. Ndinoita mabasa angu ngemoyo wese. Handiaiti ndichisiya zvimweniba. Handingoteedzeriba zvinoita ngeanhu ese ese. Ini ndinomiririra nyika yenyu ngemazvo. Runako rwenyu runoonekwa pahupenyu hwangu. Runoonekwa pamabasa andinoita. Handingoiti zviroba. Ndinozviita ngemazvo. Nekuti mukuru wacho ndiye anogara mandiri. Akadarika uya ari munyika ino. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Zvirevo 22:29; VaFiripi 1:9-10; Danieri 6:3 AMPC


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)