7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Tiri Nyika YeRunako Chete
Chitatu, 17 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Zvino Dhanieri akagona akakunda vakuru namachinda mumaitiro ake aishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro poumambo hwose” (Dhaniyeri 6 ndima 3).
Isu tiri vagari venyika yaMwari. Tinoita zvinhu nomazvo. Iyi inotova tsika yedu. Hatitamburiri kuita zvinhu nomazvo. Tinoita zvinhu zvinofadza. Mwari Baba vanoita zvinhu zvose nomazvo. Zvino isu takazvarwa navo. Saka nesuvo tinoita zvinhu zvose nomazvo. Iwe haufaniri kungova nehunyanzvi chete. Unofanira kuita zvinhu nomazvo. Ndiko kuti usiyane nevanhu venyika ino. Uchizobudirira muhupenyu. Hunyanzvi chete hahugoni kukubudiririsa zvakadai.
Dhaniyeri uyu akazoitwa mukuru pabasa. Iye aiva hake nehunyanzvi. Asi hunyanzvi uhu hahusi ihwo hwoga hwakaita kuti aitwe mukuru kudai. Iye aiita zvinhu zvose nomazvo. Izvi ndizvo zvatavona mundima yatavhura nayo. Yati, “Zvino Dhanieri akagona akakunda vakuru namachinda mumaitiro ake aishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro poumambo hwose”. Iwe wava naMweya Mutsvene. Mweya ava ndivo vakaita kuti Dhaniyeri aite zvinhu nomazvo. Saka newevo wava kugona kuita zvinhu nomazvo.
Munhu anofanira kunge aine hunhu hwakanaka. Anofanira kunge achigona kutsungirira. Haafaniri kunge ari munhu anongotevedzera vamwe. Anofanira kunge aine mafungiro akanaka. Ndiko kuti agone kuita zvinhu zvake nomazvo. Mwari vanoda kuti uite zvinhu zvako nemoyo wose. Havadi kuti ungoita. Ivo vakakupa simba rekupenya. Vanoda kuti vavonekwe pauri. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yekutanga yaPita chitsauko chepiri ndima yepfumbamwe. Inoti, “Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa. Madzimambo. Vapiri. Rudzi rutsvene. Vanhu vaakazviwanira. Kuti vanokuvonai varumbidze Mwari. Ivo vakakutorai. Vakakubvisai murima. Vakakupinzai muchiedza chavo chinoshamisa”.
Tsamba yechipiri yaPita chitsauko chekutanga ndima yetatu inoti, “Kuziva ivo vakatitora kuti tive vanhu verudzi rwavo. Vakakwana. Kwakaita kuti simba ravo reVamwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari”. Mwari ndivo vakaronga kuti uve werudzi rwavo. Ndivo vakaronga kuti uite zvinhu zvose nomazvo. Izvi ndizvo zvatiri kuvona mundima iyi. Saka ita zvinhu zvako nomazvo. Shumira Mwari nomazvo. Ita mabasa ako nomazvo. Ita zvidzidzo zvako nomazvo. Ronga kuita zvinhu zvose nomazvo. Taura semunhu anoda kuita zvinhu nomazvo. Taridzika semunhu anoita zvinhu nomazvo. Ita zvinhu zvako nenguva. Uchitaridza kuti unoita zvinhu zvako nomazvo.
Shingaira pamabasa ako. Usaita zvinhu zvako sevanhu vose vose. Usangoti chero zvaitwa. Ipa zvakanakisisa. Usingatsvaki kufadza vanokuvona. Asi nokuti wakamiririra nyika yaMwari. Ndiwe kururama kwaMwari. Iko kururama kuya kuri muna Muponesi Jesu. Munhu akarurama anoita zvinhu nomazvo. Saka pangava nebasa raunofanira kuita. Uyu unenge uchitova mukana wekutaridza runako rweVamwari. Saka usaita zvinhu uchisiirira zvimwe. Zviite nemoyo wose. Zvichibuda zvinofadza. Vanhu vanofanira kugona kuvimba newe pabasa.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mweya Mutsvene vari mandiri. Vakandipa mweya wekuita zvinhu nomazvo. Ndinoita mabasa angu nemoyo wose. Handiaiti ndichisiya zvimwe. Handingotevedzeri zvinoitwa nevanhu vose vose. Ini ndinomiririra nyika yenyu nomazvo. Runako rwenyu runovonekwa pahupenyu hwangu. Runovonekwa pamabasa andinoita. Handingoiti zvinhu. Ndinozviita nomazvo. Nokuti mukuru wacho ndiye anogara mandiri. Akadarika uya ari munyika ino. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 22:29; VaFiripi 1:9-10; Danieri 6:3 AMPC
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)