7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Rudo Hwavo Ndihwo Hunotituma Kuparidzira
Chishanu, 12 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Nokuti rudo hwaMuponesi ndihwo hunotidzora. Nokutiitisa zvatinoita izvi. Nokuti takanangara kuti kana munhu mubodzi akapfa, asipfira anhu ose. Izvozvo zvinoreya kuti anhu vose vanenge vakatopfawo” 2 aKorinde 5 ndima 14.
Ndima inoteyera yacho yakadzamawo zvekare. Inoti, “Uye munhu uyu akapfira vese. Kuti vaya apenyu aregere kuzviraramira. Asi vararamire uya akavapfira akamuka kuadopfa”. Saka iweiwe unofanira kuraramira Ishe. Rudo hwaMuponesi hunofanira kukutuma kuparidzira Ruponeso kuanhu. Usishingayira kutendewutsira anhu kuna Mwari.
Nzvisisa kuti Muponesi vanokufarira. Izvozvo zvinozokupasa shungu dzekutendeutsa anhu. Zvisiyita kuti uregere kucha kuyita basa iri. Rangarira zvanyayihwa mundima yatavhura nayo. Yati Jesu vakapfira anhu ese. Zvisireya kuti Mwari vanokoshesa munhu wose. Vanomukoshesa sekukoshesa kwavanoyita Jesu. Zvapupu zvaMuponesi zvinonzvisisa izvi.
Ruka yemakumi mayiri neyina ndima yemakumi mana netanhatu kusvika makumi mana nesere inoti, “… Muponesi vanofanira kutambura. Vepfa. Vemuka nezuva rechitatu. Zita ravo reparidziwa kumarudzi yese. Vaziyisiwe kuti vava kugona kutendewuka kamupekare kuti zvitadzo zvavo zvakakangamwihwa. Kuparidza uku kunofanira kutangira paJerusarema. Zvino imi ndimi makanangara zvinhu izvi. Ndimi musazvipupurira”. Unganyarara sei padodayi? Paridzirayi shoko reRuponeso. Riparidzire pawuri ipapo. Pangava pachipatara. Panochengetewa asungwa. Pachikoro. Kana pamusha.
Shoko reRuponeso rakaisiwa mumanja yako. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yekutanga kuna Timoti chitsauko chekutanga ndima yegumi neibodzi. Shoko reRuponeso iri ndere chokwadi. Rinotowa simba raMwari. Ndiro simba ravanoseyenzesa kuponesa anhu. Vanoponesewa vacho ndevaya vanenge varigamuchira. Ivo Mwari vanokufarira. Izvozvo zvinofanira kukutuma kuparidzira Ruponeso uhwu. Hapanayi chinozokutadzisa kuriparidzira kudayi .Hauzofanire kuyita zvekumanikidziwa kuparidzira. Unozonge uine shungu dzekuriparidzira. Saka nyayira nemumwe munhu nhasi. Nyengeterera mumwe munhu. Umuunze munyika yaMwari.
Pupura Usiti
Muponesi vanondifarira. Izvozvo zvinondituma kunangara anhu nonzira yamunovanangara nayo ivo. Ndine hanya nevanhu ava. Saka ndidoshinga. Ndinofarira anhu. Ndinoawunza kuna Mwari. Ndinobvuma kutungamirihwa naMweya Uneyera . Vanonditungamirira kusvitsa Ruponeso kuanhu. Ivo vaya vadosehwa. Ini ndakayamuhwa naMwari. Vakandiyamura zvinoshamisa. Saka ndinoporesa vanohwara. Ndisiaunzira hutano hudonaka. Muzita raJesu. Ameni.
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
aRoma 5 ndima 5
Johwani 3 ndima 16
1 Johwani 4 ndima 10–11