7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Mweya Mutsvene anokushingisa
Mugovera, 13 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“akanga achiri kunamata kudai. Paakanga ari pakatanga kundengendeka. Iwo akagarwa ngeMweya Mutsvene. Kwakutange kutaure Soko raMwari. Akashinga. Asingatyiba” (Mabasa 4 v 31).
Munhu angaa akazare Mweya Mutsvene. Munhu uyu anozowa akashinga. Izvi ndizvo zvatinoona musangano reVatsvene ekutanga. Vatsvene aya aitambudzwa hawo. Asi akanga asingatyiba. Akanga asingapetukiba sure. Akanga asingabvumi kunyaradzwa. Iwo aiparidza soko reRuponeso. Airiparidza akashinga. Pita akambosungwa. Akasungwa pamwepo naJohane. 2 aya akavhundutsirwa. Achizi asarambaba achiziyisa anhu nezve zita raJesu. Asi iwo haanaba kuvhunduka. Akaramba achiparidza zita iri. Tinoona izvi muna Mabasa 4 v 3.
Pita uyu akanga akagarwa naMweya Mutsvene. Saka akatanga kuparidze soko reRuponeso. Izvi ndizvo zvatinoona muvhesi 8 yacho. Akaparidzire apiri musi uyu. Pamwepo neakuru eimba yaMwari. NeVasadhusei. Pita akataure Soko akashinga. Achirijekesa. Achipangidza kurizwisisa. Haanaba kuita hanya nekutambudzwa kwaakanga ari kuitwa.
Mweya amwe basi iwowo akugare mauri. Akakuita munhu akashinga. Akakuita shasha yekushumira Ruponeso. Izvi ndizvo zvatinoona mutsamba yechipiri kuVakorinde 3 v 5 kusvika 6. Inoti, “Tisingazviedziba anachamakonya isu pacheduba. Zvekuti tingatozvikudza. Asi tinoshanda nehuchamakonya hwaMwari. Iwo akatiita ashumiri aya. Anoshumira sungano nyowani. Anokona basa. Kweteba ashumiri emurairo wakanyorwa. Asi anosvitsa Mweya Mutsvene kuanhu. Nekuti murairo unouraya. Asi Mweya ndiwo anoraramisa”.
Kushinga uku rinotowa simba. Isimba rinoiswe mumweya mako. Unoriona paunenge uri kutandare naMwari. Uchigare wakazare Soko raMwari. Uchigare wakagarwe naMweya Mutsvene. Moyo wako uchigara wakazvipira kuSoko rawo. Haunaba chaunozotyaba pakadai. Haunaba waunozozezaba kuziyisa zvaJesu. Ndiko kusaka uchifanire kugara uchinamata ngendimi. Unofanire kunamata kudai ngeshungu. Mweya wako unozogwinyiswa. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yekutanga kuna Vakorinde 14 v 4. Inoti, “Anotaure nedzimweni ndimi anonge ari kuzvisimbisa iye. Nekuzviaka. …”.
Ita zvaiita nhume dzaJesu. Dzaisangoite zviro. Dzaitanga dzanamata. Tinoona izvi muna Mabasa 4 v 31. Apa nhume idzi dzakanamata. Simba rakabva ratanga kushanda. Idzo dzikabva dzashingiswa. Vhesi yacho inoti, “akanga achiri kunamata kudai. Paakanga ari pakatanga kudengenyeka. Iwo akagarwa naMweya Mutsvene. Ndokutanga kutaura Soko raMwari. Akashinga. Asingatyiba”. Hareruya! Saka simuka. Utaure wakashinga. Mweya Mutsvene ndiwo anokubatsira. Mweya wako wakashinga!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandizadze naMweya venyu. Ndinotaure Soko renyu. Ndinoritaura ndakashinga. Ndichitaridze kufarire anhu. Hapanaba chandinotya. Hapanaba chingandizungunusa. Ndingaparidzira anhu Ruponeso. Anhu anotoponeswa pandinoparidza kudai. Ndinounze akawanda munyika yaMwari. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Mabasa Avapostora 13:44-46; 2 Timotio 1:7-8; VaEfeso 6:19-20 NKJV
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)