7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Mweya Mutsvene Vanokushingisa
Mugovera, 13 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Vakanga vachiri kunamata kudai. Pavakanga vari pakatanga kudengenyeka. Ivo vakagarwa naMweya Mutsvene. Ndokutanga kutaura Shoko raMwari. Vakashinga. Vasingatyi” (Mabasa 4 ndima 31).
Munhu angava akazara Mweya Mutsvene. Munhu uyu anozova akashinga. Izvi ndizvo zvatinovona musangano reVatsvene vekutanga. Vatsvene ava vaitambudzwa havo. Asi vakanga vasingatyi. Vakanga vasingadzokeri shure. Vakanga vasingabvumi kunyaradzwa. Ivo vaiparidza shoko reRuponeso. Vairiparidza vakashinga. Pita akambosungwa. Akasungwa pamwe chete naJohane. Vaviri ava vakavhundusirwa. Vachinzi vasaramba vachizivisa vanhu nezve zita raJesu. Asi ivo havana kuvhunduka. Vakaramba vachiparidza zita iri. Tinovona izvi muna Mabasa yechina ndima yetatu.
Pita uyu akanga akagarwa naMweya Mutsvene. Saka akatanga kuparidza shoko reRuponeso. Izvi ndizvo zvatinovona mundima yesere yacho. Akaparidzira vapiri musi uyu. Pamwe nevakuru veimba yaMwari. NeVasadhusei. Pita akataura Shoko akashinga. Achirijekesa. Achitaridza kurinzwisisa. Haana kuita hanya nekutambudzwa kwaakanga ari kuitwa.
Mweya vamwe chete ivavo vava kugara mauri. Vakakuita munhu akashinga. Vakakuita nyanzvi yekushumira Ruponeso. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chetatu ndima yeshanu kusvika yetanhatu. Inoti, “Tisingazviidzi nyanzvi isu pachedu. Zvekuti tingatozvikudza. Asi tinoshanda nehunyanzvi hwaMwari. Ivo vakatiita vashumiri vaya. Vanoshumira sungano itsva. Vanogona basa. Kwete vashumiri vemurairo wakanyorwa. Asi vanosvitsa Mweya Mutsvene kuvanhu. Nokuti murairo unouraya. Asi Mweya ndivo vanoraramisa”.
Kushinga uku rinotova simba. Isimba rinoiswa mumweya mako. Unoriwana paunenge uri kutandara naMwari. Uchigara wakazara Shoko raMwari. Uchigara wakagarwa naMweya Mutsvene. Moyo wako uchigara wakazvipira kuShoko ravo. Hauna chaunozotya pakadai. Hauna waunozozeza kuzivisa zvaJesu. Ndiko kusaka uchifanira kugara uchinamata nendimi. Unofanira kunamata kudai neshungu. Mweya wako unozogwinyiswa. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yekutanga kuna Vakorinde chitsauko chegumi nena ndima yena. Inoti, “Anotaura nedzimwe ndimi anenge ari kuzvisimbisa iye. Nekuzvivaka. …”.
Ita zvaiita nhume dzaJesu. Dzaisangoita zvinhu. Dzaitanga dzanamata. Tinovona izvi muna Mabasa yechina ndima yemakumi matatu neimwe. Apa nhume idzi dzakanamata. Simba rakabva ratanga kushanda. Idzo dzikabva dzashingiswa. Ndima yacho inoti, “Vakanga vachiri kunamata kudai. Pavakanga vari pakatanga kudengenyeka. Ivo vakagarwa naMweya Mutsvene. Ndokutanga kutaura Shoko raMwari. Vakashinga. Vasingatyi”. Hareruya! Saka simuka. Utaure wakashinga. Mweya Mutsvene ndivo vanokubatsira. Mweya wako wakashinga!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandizadza naMweya venyu. Ndinotaura Shoko renyu. Ndinoritaura ndakashinga. Ndichitaridza kufarira vanhu. Hapana chandinotya. Hapana chingandizungunusa. Ndingaparidzira vanhu Ruponeso. Vanhu vanotoponeswa pandinoparidza kudai. Ndinounza vakawanda munyika yaMwari. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa Avapostora 13:44-46; 2 Timotio 1:7-8; VaEfeso 6:19-20 NKJV
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)