7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Mweya Uneyera Vanokushingisa

Mugovera, 13 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Vakanga vasiri kunyengetera kudayi. Pavakanga vari pakatanga kudengenyeka. Ivo vakagariwa naMweya Uneyera . Ndokutanga kunyayira Shoko raMwari. Vadoshinga. Vasingache” (Mabasa Yaapositori 4 ndima 31).

Munhu angava adozara Mweya Uneyera . Munhu uyu anozova adoshinga. Izvi ndizvo zvatinonangara musangano reVatsvene vekutanga. Vatsvene ava vaitambudziwa zvavo. Asi vakanga vasingache. Vakanga vasingadzokeri shure. Vakanga vasingabvumi kunyararidziwa. Ivo vaiparidzira shoko reRuponeso. Vairiparidzira vadoshinga. Pita akambosungiwa. Akasungiwa pabodzi naJohwani. Vayiri ava vakavhundutsihwa. Vasinzi vasarambe vasiziyisa anhu nezve zita raJesu. Asi ivo havanayi kuvhunduka. Vakaramba vasiparidzira zita iri. Tinonangara izvi muna Mabasa Yaapositori yechina ndima yechitatu.

Pita uyu akanga akagariwa naMweya Uneyera . Saka akatanga kuparidzira shoko reRuponeso. Izvi ndizvo zvatinovona mundima yesere yacho. Akaparidzira vapiri musi uyu. Pamwe nevakuru veimba yaMwari. NeVasadhusei. Pita akataura Shoko akashinga. Achirijekesa. Achitaridza kurinzwisisa. Haana kuita hanya nekutambudzwa kwaakanga ari kuyitiwa.

Mweya vabodzi ivavo vava kugara mawuri. Vakakuyita munhu adoshinga. Vakakuyita nyanzvi yekushumira Ruponeso. Izvi ndizvo zvatinonangara mutsamba yechipiri kuaKorinde chitsauko chechitatu ndima yechishanu kusvika yechitanhatu. Ineti, “Tisingazviyite nyanzvi isu pachedu. Zvekuti tingatozvikudza. Asi tinoshanda nehunyanzvi hwaMwari. Ivo vakatiita ashumiri vaya. Vanoshumira sungano itsva. Vanogona basa. Kwete vashumiri vemurayiro wakanyohwa. Asi vanosvitsa Mweya Uneyera
kuanhu. Nokuti murairo unouraya. Asi Mweya ndivo vanoraramisa”.

Kushinga uku rinotova simba. Isimba rinoisiwa mumweya mako. Unoriwana paunenge uri kutandara naMwari. Usigara wakazara Shoko raMwari. Usigara wakagahwa naMweya Uneyera. Moyo wako usigara wudozvipira kuShoko ravo. Haunayi chaunozocha padedayi. Haunayi waunozozeza kuziyisa zvaJesu. Ndiko kusaka usifanira kugara usinamata nendimi. Unofanira kunamata kudayi neshungu. Mweya wako unozogwinyisiwa. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yekutanga kuna aKorinde chitsauko chegumi neina ndima yechina. Inoti, “Anonyayira nedzimwe ndimi anenge ari kuzvisimbisa iye. Nekuzvivaka. …”.

Ita zvaiyita nhume dzaJesu. Dzaisangoyita zvinhu. Dzaitanga dzanamata. Tinonangara izvi muna Mabasa Yaapositori yechina ndima yemakumi matatu neibodzi .Apa nhume idzi dzakanamata. Simba rakabva ratanga kuseyenza. Idzo dzikabva dzashingisiwa. Ndima yacho ineti, “Vakanga vasiri kunyengetera kudayi. Pavakanga vari pakatanga kudengenyeka. Ivo vakagariwa naMweya Uneyera . Ndokutanga kunyayira Shoko raMwari. Vadoshinga. Vasingache”. Hareruya! Saka simuka. Unyayire wakashinga. Mweya Uneyera ndivo vanokubatsira. Mweya wako wakashinga!

Namata Usiti
Baba vandinoda. Ndinokutendayi. Makandizaza naMweya wenyu. Ndinonyayira Shoko renyu. Ndinorinyayira ndidoshinga. Ndisirayikidza kufarira anhu. Hapanayi chandinocha. Hapanayi chingandizungunutsa. Ndingaparidzira anhu Ruponeso. Vanhu vanotoponesewa pandinoparidza kudayi. Ndinowunza adowanda munyika yaMwari. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 28 ndima 1
2 Timoti 1 ndima 7–8
aEfeso 6 ndima 19–20

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)