7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Rudo Rwawo Ndirwo Runotitume Kuparidza

Chishanu, 12 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Ngekuti rudo rwaMuponesi ndirwo runotidzora. Ngekutiitisa zvatinoita izvi. Ngekuti takaona kuti kana munhu umwe akafa. Achifire anhu ese. Izvozvo zvinorewa kuti anhu ese anenge akatofawo” 2 Vakorinde 5 v 14.

Vhesi inoteera yacho yakadzamawohe. Inoti, “Futi munhu uyu akafira ese. Kuti aya apenyu achirekera kuzviraramira. Asi araramire uya. Akaafira. Akamuka kuakafa”. Saka iwe unofanira kuraramira Ishe. Rudo rwaMuponesi runofanira kukutuma kuparidza Ruponeso kuanhu. Uchishingaira kutendeusira anhu kuna Mwari.

Zwisisa kuti Muponesi anokufarira. Izvozvo zvinozokupe shungu dzekutendeuse anhu. Zvichiita kuti usatyaba kuita basa iri. Rangarira zvataurwa muvhesi yatabeura nayo. Yati Jesu akafire anhu ese. Zvichirewa kuti Mwari anokoshesa munhu wese. Anomukoshesa sekukoshesa kwaanoita Jesu. Zvapupu zvaMuponesi zvinozwisisa izvi.

Ruka 24 v 46 kusvika 48 inoti, “… Muponesi anofanira kutambura. Azofa. Azomuka nezuwa retatu. Zita rawo rizoparidzwa kumarudzi ese. Aziyiswe kuti akukona kutendeuka. Futi kuti zvivi zvawo zvakakanganwirwa. Kuparidza uku kunofanire kutangira paJerusarema. Hino imi ndimi makaona zviro izvi. Ndimi muchazvipupurira”. Unganyarara sei pakadai? Paridze soko reRuponeso. Riparidze pauri ipapo. Pangaa pachipatara. Panochengetwa asungwa. Paskuru. Kana pamusha.

Soko reRuponeso rakaiswa mumaoko ako. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yekutanga kuna Timoti 1 v 11. Soko reRuponeso iri ndere chokwadi. Rinotowa simba raMwari. Ndiro simba raanoshandisa kuponese anhu. Anoponeswa acho ndeaya anenge arigamuchira. Iwo Mwari anokufarira. Izvozvo zvinofanira kukutuma kuparidza Ruponeso urwu. Hapanaba chinozokukonesa kuriparidza kudai. Hauzofaniriba kuita zvekumanikidzwa kuparidza. Unozonge uine shungu dzekuriparidza. Saka taura neumwe munhu namasi. Nyengeterera umwe munhu. Umuunze munyika yaMwari.

Pupura Uchiti
Muponesi anondifarira. Izvozvo zvinondituma kuona anhu nenzira yaanoaona nayo ivo. Ndine hanya neanhu aya. Saka ndakashinga. Ndinofarira anhu. Ndinoaunza kuna Mwari. Ndinobvuma kutungamirirwa naMweya Mutsvene. Anonditungamirira kusvitsa Ruponeso kuanhu. Iwo aya akaneta. Ini ndakabatsirwa naMwari. Akandibatsira zvinoshamisa. Saka ndinoporesa anorwara. Ndichiaunzira hutano hwakanaka. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
2 VaKorinte 5:14-15; Johane 3:16; 1 Johane 4:10-11


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)