7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Rudo Rwavo Ndirwo Runotituma Kuparidza
Chishanu, 12 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Nokuti rudo rwaMuponesi ndirwo runotidzora. Nokutiitisa zvatinoita izvi. Nokuti takavona kuti kana munhu mumwe akafa. Achifira vanhu vose. Izvozvo zvinoreva kuti vanhu vose vanenge vakatofawo” 2 Vakorinde 5 ndima 14.
Ndima inotevera yacho yakadzamavo zvekare. Inoti, “Uye munhu uyu akafira vose. Kuti vaya vapenyu vachirega kuzviraramira. Asi vararamire uya. Akavafira. Akamuka kuvakafa”. Saka iwe unofanira kuraramira Ishe. Rudo rwaMuponesi runofanira kukutuma kuparidza Ruponeso kuvanhu. Uchishingaira kutendeusira vanhu kuna Mwari.
Nzwisisa kuti Muponesi vanokufarira. Izvozvo zvinozokupa shungu dzekutendeusa vanhu. Zvichiita kuti usatya kuita basa iri. Rangarira zvataurwa mundima yatavhura nayo. Yati Jesu vakafira vanhu vose. Zvichireva kuti Mwari vanokoshesa munhu wose. Vanomukoshesa sekukoshesa kwavanoita Jesu. Zvapupu zvaMuponesi zvinonzwisisa izvi.
Ruka yemakumi maviri nena ndima yemakumi mana netanhatu kusvika makumi mana nesere inoti, “… Muponesi vanofanira kutambura. Vagofa. Vagomuka nezuva retatu. Zita ravo rigoparidzwa kumarudzi ose. Vaziviswe kuti vava kugona kutendeuka. Uye kuti zvivi zvavo zvakakanganwirwa. Kuparidza uku kunofanira kutangira paJerusarema. Zvino imi ndimi makavona zvinhu izvi. Ndimi muchazvipupurira”. Unganyarara sei pakadai? Paridza shoko reRuponeso. Riparidze pauri ipapo. Pangava pachipatara. Panochengetwa vasungwa. Pachikoro. Kana pamusha.
Shoko reRuponeso rakaiswa mumavoko ako. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yekutanga kuna Timoti chitsauko chekutanga ndima yegumi neimwe. Shoko reRuponeso iri ndere chokwadi. Rinotova simba raMwari. Ndiro simba ravanoshandisa kuponesa vanhu. Vanoponeswa vacho ndevaya vanenge varigamuchira. Ivo Mwari vanokufarira. Izvozvo zvinofanira kukutuma kuparidza Ruponeso urwu. Hapana chinozokukonesa kuriparidza kudai. Hauzofaniri kuita zvekumanikidzwa kuparidza. Unozonge uine shungu dzekuriparidza. Saka taura nemumwe munhu nhasi. Nyengeterera mumwe munhu. Umuunze munyika yaMwari.
Pupura Uchiti
Muponesi vanondifarira. Izvozvo zvinondituma kuvona vanhu nenzira yavanovavona nayo ivo. Ndine hanya nevanhu ava. Saka ndakashinga. Ndinofarira vanhu. Ndinovaunza kuna Mwari. Ndinobvuma kutungamirirwa naMweya Mutsvene. Vanonditungamirira kusvitsa Ruponeso kuvanhu. Ivo vaya vakaneta. Ini ndakabatsirwa naMwari. Vakandibatsira zvinoshamisa. Saka ndinoporesa vanorwara. Ndichivaunzira hutano hwakanaka. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 VaKorinte 5:14-15; Johane 3:16; 1 Johane 4:10-11
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)